Nyanzvi Dzokurukura Nyaradzo yaVaMandela kuSoweto

  • Blessing Zulu
    Benedict Nhlapo
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kuungana kwaita vatungamiri venyika dzakawanda muSouth Africa kunoratidza kuti vaimbove mutungamiri wenyika iyi, VaNelson Mandela, vaiva munhu anoremekedzwa pasi rose.

Vatungamiri venyika vaenda kunoonekana naVaMundela vasati varadzikwa kumusha kwavo neSvondo vanosanganisira mutungamiri weBritain, VaDavid Cameron, mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, mutungamiri weCuba, Va Raul Castro nevamwe.

Zvinonzi vanhu vanodarika zviuru makumi matanhatu vaungana munhandare yeFNB kuSoweto vachirangira VaMandela, avo vakafa neChina mushure mekurwara kwenguva yakareba.

VaMandela, avo vakashaya vava nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu, vari kuvigwa kumusha kwavo kuQunu mudunhu reEastern Cape.

Mukuru anoona nezvezvirongwa mukambani yeExxaro Resources, VaPaul Rumema Chimhosva, vanoti kana murufu VaMandela vabatanidza vanhu nekubatana maoko kwaita VaObama naVaCastro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Rumema Chimhosva