Musangano Wozeya Dambudziko reKorera muZimbabwe

Hurumende yaita musangano wechimbi chimbi nemapazi ehurumende, makanzuru uye mapazi eUnited Nations ari munyika wekuzeya dambudziko rechirwere chekorera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Portia Manangazira

Musangano uyu wanga wakanangana nekutsvaga nzira dzekuti padzivirirwe kutapuriranwa kwechirwere ichi.

Hurumende inoti kusvika pari zvino pava nevanhu vasere vaonekwa navana chiremba kuti vane chirwere ichi.

Munhu wekutanga kubatwa nekorera rwendo rwuno ndewe kuChiredzi, kuchizotevera nzvimbo dzakaita seBeitbridge, Mudzi neChirundu.

Dambudziko remvura yakachena uye zvimbuzi zvimwe zvezvinhu zviri kupa kuti kurwisa chirwere ichi kunetse.

Mukuru wekudzivirirwa kwezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, vanoti mvura isina kuchena ndiyo iri kunyanya kukonzeresa zvirwere zvakadai.

Amai Manangazira vanoti zvakakosha kuti vanhu vafashaidze mvura vasati vaimwa, kanawo kuisa mushonga unotengwa muzvitoro unoshandiswa mukuchenesa mvura.

Amai Manangazira vanoti izvi zviakaitwa nguva dzose, zvinodzikisa mikana yekuti vanhu vabatwe nezvirwere zvekorera kanawo zvemanyoka.