Mwanasikana waMacheso, Sharon, Anochata muNorton

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Alick Macheso

Muimbi ane mukurumbira munyika, Alick Macheso, anoti ari kufara zvikuru nekuchata kwaita mwanasikana wake, Sharon, Kupakare Paye kuNorton.

Sharon, mwanasikana wekutanga waMacheso, achata nemurume wake Kudakwashe Munetsi pazuva rekurangarira magamba akarwira rusununguko.

Macheso anoti ari kufara nerutsigiro rwaawana kubva kune vanyarikani vakawanda kusanganisira muimbi, Oliver Mtukudzi, uyo akapa mhuri yekwaMacheso pekuchatira kuNorton.

Macheso anoti vaimbi vakaita saSuluman Chimbetu vaimba pachena pamuchato wemwana wake uye vawana mibayiro yakawanda kubva kushamwari pamwe nemasangano avanoshanda nawo.

Macheso anoti vamwe vanyarikani vange vari pamuchato uyu vanosanganisira muparidzi mukuru, Prophet Magaya, nevamwewo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAlick Macheso