Madzimai Vanotengesa Mbatya Dzakashandiswa Voshora Danho raVaChinamasa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Madzimai vanoita mabasa ekutengesa mbatya dzakamboshandiswa vari kushora zvikuru danho rakatorwa nagurukota wezvemari, VaPatrick Chinamasa, rekurambidza kutengeswa kwembatya dzakashandiswa kupinda munyika.

Mumwe wemadzimai vanotengesa mbatya, Amai Pauline Kabanzi, avo vanotengesa vari kuChegutu, vanoti danho iri richavadzora kumashure sezvo zvinhu zvakawoma munyika.

Amai Kabanzi vanoti vakatovhara bhizimusi ravo ravaitengesa mbatya dzitsva sezvo range risingabhadhare.

Amai Kabanzi vanoti hurumende inofanirwa kuwongorora danho iri risati raenderera mberi nekuridzika semutemo munyika sezvo vanhu vazhinji vachirarama nekutenga mbatya dzinobva mumabhero.

Amai Kabanzi vanoti vakakwanisa kuendesa vana vavo kuchikoro nekuraramisa mhuri yavo nebasa iri sezvo kusina mabasa uye varume vazhinji vakagururwa nemakambani avaishandira.

Amai Kabanzi vanogara muChegutu uye vanoti vaitombotengesa mbatya itsva dzavaitora kuTanzania asi dzange dzisinga tengeke izvo zvakaita kuti vatange kutengesa mabhero sezvo ari iwo ari kukwanisa kuvaunzira cheuviri.

Vanoti vanotenga emabhero mbatya dzakashandiswa kare uye havachazivi kuti vachawana mbatya idzi kupi kana zviri kutaurwa naVa Chinamasa zvikabudirira.

Mumiriri weMatebeleland South muparamende, Amai Priscilla Misihairabwi-Mushonga, vanotiwo shuviro yavo yange iri yekuti VaChinamasa vamise kutengeswa kwehanzu dzemadzimai tsaru kwete mbatya dzese dzakamboshandiswa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Pauline Kabanzi

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaMuzvare Priscilla Musihairambwi-Mushonga