Muzvare Takudzwa Sayi Vofarira Bhavhadheyi Ravo

Muzvare Takudzwa Sayi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuTampa, Florida muAmerica chinoti chiri kufara nekuwana mukana wekupemberera bhavhadheyi rake, sezvo akaberekwa musi wa Kukadzi 29.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuTampa, Florida muAmerica chinoti chiri kufara nekuwana mukana wekupemberera bhavhadheyi rake, sezvo akaberekwa musi wa Kukadzi 29.

Muzvare Takudzwa Sayi vanoti nguva zhinji vanhu havanzwisise kukosha kwezuva iri sezvo richiuya kamwe chete mumakore mana ega ega.

Muzvare Sayi vanoti vachapemberera bhavhadyeyi ravo mazvirokwazvo mukupera kwevhiki sezvo vari pabasa.

"Ndafara chaizvo kukwanisa kupemberawo zuva rekuberekwa kwangu pazuva randakazvarwa sezvo ndichigaro ita izvi makore mana ega ega, asi nhasi ndichamirira kuti svondo ripere kuti ndinyatsofara nehama neshamwari sezvo ndiri pabasa," Muzvare Tafadzwa Sayi vaudza Studio7.

Muzvare Sayi vari kushanda muTampa mushure mekupedza zvidzidzo zvepamusoro uye vanoti vanobva kuHarare kunyange hazvo kumusha kwavo kuri kuMberengwa.

"Ndakakurira muHarare kunyangwe zvangu kumusha kwangu kuri kuMberengwa, nhasi mafaro andiinawo ari kuita zvekufashukira sezvo ndichimirira makore mana ega ega kuti ndikwanise kupembera zuva rangu chairo rekuberekwa," Muzvare Sayi vaudza Studio7.

Muzvare Sayi vanoti vasvitsa makore makumi matatu nemaviri kunyange hazvo vakwanisa kucherechedza bhavhadheyi musi wavakaberekwa chaiwo chaiwo kasere chete kubvira kubreekwa kwavakaitwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaMuzvare Takudzwa Sayi