Vagari Vomirira Kubviswa kweZvikwereti Zvavo neKanzuru

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Sangano re Harare Residents Trust rinoti raita musangano nevashandi vekanzuru yeHarare richida kuziva pamire nyaya yekuraswa kwezvikwereti zvine vagari kukanzuru.

Mukuru wesangano reHarare Residents Trust, Va Precious Shumba, vanoti kanzuru icharasa zvikwereti izvi mwedzi waNyamavhuvhu, asi makambani nemahofisi ehurumende vacharamba vachibhadhara zvikwereti zvavainazvo.

Gurokota rezvematunhu, Va Ignatius Chombo, vakakurudzira kuti izvi zviitwe panguva yesarudzo vachiti ivo zvichabatsira vagari vemumaguta.

Vagari nemakambani vane chikwereti chemitero chinosvika mazana matatu nemakumi matatu emamiriyoni emadhora, zana nemakumi maviri nemasere emamiriyoni emadhora chiri chikwereti chevagari chete.

Studio Seven yayedza kunzwa divi rekanzuru yeHarare asi nhare dzavo dzange dzisiri kudairwa.

ASi mumwe mugari wemuHarare, Va Talent Gonese, vanoti vakachamirira kuti vaone zvichaitika pachauya mabhiri anobva kukanzuru mumwedzi waNyamavhuvhu.


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Precious Shumba


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Talent Gonese