ZUJ Yokumbira Kuvhota Sarudzo Dzisati Dzaitwa

VaFoster Dongozi

Sangano revatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists, ZUJ, rinoti riri kukumbira komisheni inoona nezvesarudzo kuti ibvumidze vatori venhau kuvhota musarudzo mazuva esarudzo dzacho asati asvika.

Sangano iri rioti izvi zvinozoita kuti vatori venhau vakwanise kuita basa ravo nemazvo kwete kuzopedzisira vomirawo mimitsetse uku vachiita basa ravo.

Munyori mukuru weZUJ, VaFoster Dongozi, vanoti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, ikasaita izvi zvinoreva kuti vatori vanhau vakawanda vachashaiwa mukana wekuvhota sezvo vanenge vachishandira munzvimbo dzavasingagari musi wesarudzo.

VaDongozi vanoti makore ose apfuura vatori venhau vanga vachivhota musi unovhota veruzhinji. Asi rwendo rwuno VaDongozi vanoti vari kuda kuti vatori venhau vabvumidzwe kuvhota pamberi pesarudzo sezvinoitwa nemapurisa, masoja pamwe nevamiriri venyika vari kunze kwenyika.

VaDongozi vanoti chimwewo chichemo chevatapi venhau kuZEC ndechekuti vatori venhau avo vanenge vaine magwaro kubva kuZimbabwe Media Commission, vanofanira kunyoreswa zvekare neZEC kuitira kuti vakwanise kutora nhau dzine chekuita nesarudzo.

Asi VaDongozi vanoti zvinofadza kuti vari kudyidzana zvakanaka neveZEC sezvo vari kuita misangano navo mumatunhu ese munyika vachikurukura nezvemafambisirwo esarudzo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZEC panyaya iyi.
Zimbabwe inotarisirwa kuita sarudzo gore rinouya.

Sangano reZUJ rine nhengo dzinodarika chiuru uye Zimbabwe Media Commission inoti gore ra 2011 chete yakapa vatori venhau vanodarika mazana mashanu marezenisi ekuitisa basa ravo muZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Irwin Chifera