Dhibheti rekutanga pakati pemumiriri weDemocratic Party, VaJoe Biden, pamwe nemumiriri weRepublican Party, uye vari mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, rakatanga neChipiri manheru mu Cleveland mudunhu re Ohio.
Trump Debate
Vaviri ava vakatatsurana pamusoro pe Covid 19, hupfumi hwenyika, kugadzwa kwemutongi wedare repamusoro soro, nyaya yerusarura nezvimwe.
Dhibheti iri nderekutanga pamadhibheti matatu achaitwa pakati pevaviri ava, uye raikokerwa nemutori wenhau mukuru wenhepfenyuro yeFox News, Chris Wallace.
Vachitaura mudhibheti iri, VaBiden vakaburitsa hurongwa hwavo hwekusimudzira hupfumi hwenyika vakati chirwere cheCovid-19 chinofanirwa kurwiswa sezvo chiri kubata vatema vazhinji venyika ino.
Joe Biden Presidential debate
VaTrump vakatiwo vakaita zvirongwa zvepamusoro soro uye dai VaBiden vari ivo vange vari kutonga, kwakatofa vanhu vakawanda zvikuru kudarika vafa pari zvino.
Panyaya yekudoma mutongi wedare repamusoro soro, Va Trump vakati ikodzero yavo kudoma mutongi uyu nechimbi chimbi sezvo vari ivo mutungamiri wenyika pari zvino.
Asi VaBiden, avo vakambove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica kwemakore masere, vakati veruzhinji vanofanirwa kupihwa mukana wekudoma mutongi wedare repamusoro soro mutsva kwete kuti zviitwe zvechimbi chimbi.
Mutongi uyu anofanirwa kutsiva Amai Ruth Bader Ginsburg, avo vakashaya nechirwere chegomarara svondo rapera.
Panyaya yehupfumi VaTrump, avo vaipindira nguva zhinji apo VaBiden vaitaura, vakati vakaita zvinhu zvikuru pakusimudzira hupfumi hwenyika.
Asi izvi zvakashorwa naVaBiden vachibata matadziro ari kuita hurumende yaVa Trump kubva zvavasarudzwa musarudzo ya 2016.
Mukokeri wedhebheti iri akanga ari panguva yakaomarara sezvo vaviri ava vakanga vasingatevedzeri gwara rakawiriranwa pahurongwa uhu.
Asi veruzhinji vanoti VaTrump ndivo vakanyanya kusateerera zvaitaurwa naWallace vachiramba vachitaura apo VaBiden vaipa maonero avo.
Nyanzvi yezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paFriends University kuKansas, Dr Moses Rumano, vanoti havana kufara nemaitiro aVaTrump mudhibheti iri.
Your browser doesn’t support HTML5
DHIBHETI REKUTANGA MARVE SHONA
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDr Moses Rumano