VaBiti Voshora Maitirwo eChirongwa Chekuendesa Hupfumi hweMakambani kuVatema

  • Blessing Zulu
Nyaya yekukandirana makobvu nematete pakati pemakurukota muhurumende yemubatanidza panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema yatanga zvakare apo nyika yatarisana nesarudzo.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti chirongwa chekuendesa hupfumi kumatunhu cheCommunity Share Ownership Scheme hachisi pamutemo uye chiri kushandiswa neZanu-PF mukutsvaga rutsigiro pamwe nekupa vakapfuma kare mari.

VaBiti, avo vanova nyanzvi munyaya dzemitemo, vanoti zviri pachena kuti mumutemo wekuendesa hupfumi kuvatema, hapana mutemo wekupa matunhu mari dzinosvika mamiriyono makumi maviri dzinonzi dziri kubhadharwa nemakambani aya, idzo dzisina anonyatsoziva kuti dziri kufambiswa sei.

Chipangamazano chegurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, VaPhyschology Mazivisa, vanoti vanhu vari kuwana chouviri pazvirongwa zveCommunity Share Trust, uye VaBiti vava kuita zvematongerwo enyika panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Biti


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPsychology Mazivisa