Voruzhinji kuMaruwa Vodzidziswa Kodzero Dzavo Munyaya dzeHutano

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Mukuru wesangano reCommunity Working Group On Health, Va Itai Rusike, vanoti sangano ravo rakatanga chirongwa chekushanyira mumaruva akasiyana siyana mumativi mana enyika kuti vanzwe matambudziko ari kusangana neveruzhinji munyaya dzezvehutano.

VaRusike vanoti chirongwa ichi chinozivikanwa nezita rinonzi “Health Literacy Program,” uye chinopa ruzivo kune veruzhinji pamusoro penyaya dzezvehutano hwavo munharaunda dzavanogara.

VaRusike vanoti vakakwanisa kushanya kunzvimbo dzakasiyana dzinosanganisira Chipinge, Beitbridge, Bulawayo nedzimwewo vachidzidzisa veruzhinji kodzero dzavo munyaya dzezvehutano.

VaRusike vanoti pari zvino vatove negwaro rine nhunha dzeveruzhinji vekumaruva iro vachasvitsa kumapazi ehumumende ezvehutano nemamwewo anokwanisa kugadzirisa matambudziko aya.

Sangano iri rinoti matambudziko ari kusangana neveruzhinji mumaruva anosanganisira kushaya mari yekukwanisa kutenga mishonga yezvirwere zvinorapika pamwe nekushaikwa kwechikafu chakakwana zvikuru chevana vari kuenda kuchikoro.

VaRusike vanoti vanodavira kuti zvichemo zveveruzhinji zvichatambirwa zvogadziriswa nehurumende sezvo pari zvino mapazi aya ari mushishi mekuronga mabhajeti egore rinouya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Itai Rusike