Gweta Rinorwira Kodzero dzeVanhu Roendesa Paramende neMutungamiri weNyika kuConstitutional Court

Nqobani Sithole

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu rakwira kudare repamusoro soro reConstitutional Court richipikisa mabatirwo ari kuitwa bhiri reConstitutional Amendment Bill No. 2, richitiwo Constitutional Amendment Bill Number 1, iro rinopa hwaro hwekuumbwa kwebhiri rechipiri, harina kufambiswa zviri pamutemo sezvinotarisirwa nebumbiro remitemo yenyika.

Gweta iri, VaNqobani Sithole, vakakwidza chikumbiro ichi kudare reConstitutional Court vahida kuti dare iri ritonge kuti paramende yenyika haina kubata zvakanaka nyaya yekuvandudzwa kwebhiri remutemo weConstitutional Amendment Bill Number 1 neConstiutional Amendment Bill number 2 vachiti hapana kutevedzwa zvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Nqobani Sithole




Mumagwaro avo ayo akatambirwa nedare nemusi weChina, VaSithole vakadoma vanhu vashanu kusanganisira paramende pachayo, mutauriri wedare reparamende, mutungamiri wedare reSenate, gurukota rezvemitemo, uye mutungamiri wenyika, sevanhu vane chekuita nenyaya iyi.

VaSithole vanoti sechizvarwa cheZimbabwe, vakaona zvakakodzera kuti vatore danho iri senzira yekuchengetedza bumbiro remitemo yenyika vachiti paramende iripo pari zvino yakaunza bhiri reConstitutional Amendment Bill Number 1, iro rinopa hwaro hwebhiri reConstitutional Amendment Bill No. 2 zvisiri pamutemo.

VaSithole vanoti bhiri remutemo weConstitutional Amendment Bill Number 1, iro rinotyora Section 147 yebumbiro remitemo yenyika, rakaunzwa mudare reSenate rikatambirwa zvisiri pamutemo mwedzi uno, uye dare iri rava kuda kuzeya zvakare bhiri remutemo weConstitutional Amendment Number 2, iro rinopihwa hwaro neConstitutional Ammendment Bill number 1, iro vanoti rinotyora Section 147 yebumbiro remitemo yenyika.

VaSithole vanoti bhiri rekutanga rakatadza kutambirwa semutemo mutemu yeparamende yakapfuura, iyo yakaguma muna Chikunguru 2018, izvo zviri kupa kuti vapikise maunzirwo arakaitwa mutemu yakatanga mushure mesarudzo dza 2018.

Bhiri reConstitutional Amendment Number 2 rinoda kuvandudza mitemo
ine chitsama kusanganisira kuve nemutemo unopa mutungamiri wenyika
masimba ekuti awedzere makore ekushanda kwevatongi vematare epamusoro.

Pari zvino mutongi wedare anofanirwa kuenda pamudyandigere kana achinge asvitsa makore makumi manomwe.

VaSithole vanoti vakaona zvakakodzera kukwira kudare reConstitutional Court sezvo vachiti mitemo yenyika haina kutevedzerwa pakuzeiwa kwebhiri rekutanga muparamende.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, sezvo nanharembozha yavo yange isingabatike.

Mutungamiri wedare reSenate, Amai Mabel Chinomona, vange vavimbisa
kupindura mibvunzo yedu asi vange vasati vaita izvi panguva yekuenda kumhepo.

Munyori webazi rezvemitemo, Amai Virginia Mabhiza, vati havana zvakawanda zvavange vachikwanisa kutaura sezvo vasati vaona chikumbiro chaVaSithole ichi.

Kubvira pakaziviswa kuvandudzwa kwezvebumbiro remitemo yenyika, nyanzvi dzemitemo dzakawanda dzakashora danho iri.

Mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, ndemumwe wevanhu vave nenguva vachishora kuvandudzwa kwemutemo uku vachiti havawone kwakakodzera sezvo mitemo yemunyika yakawanda isati yavandudzwa zvizere kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika rakavhoterwa neveruzhinji muna 2013.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMadhuku pamusoro pedanho raVaSithole rekukwira kudare reConstitutional Court sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yatange tavatumira.

Gweta uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti vanoona danho raVaSithole rakanaka uye rakakosha.

Dewa Mavhinga, the southern Africa director at Human Rights Watch




Pari zvino bhiri reConstitutional Amendment Number 2 rakatopasiswa mudare reNational Assembly uye ramirira kunzwikwa mudare reSenate.

Asi nyaya hombe iri mudare iri kusimbiswa naVaSithole ndeyekuda kuti dare ratare kutambirwa kweConstiutional Amendment Bill Number 1 kuti hakusi pamutemo, sezvo rakanga raumbwa neparamende yakapedza temu yayo muna Chikunguru 2018.

Izvi zvikatambirwa nedare zvinoreva kuti bhiri remutemo weConstitutional Amendment Bill Number 2, rinobva raraswawo.

Bhiri iri riri kuda kushandiswa mukupa mutungamiri wenyika masimba akawandisa, uye kuwedzera makore evatongi vematare edzimhosva.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzinoti mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vari kufanirwa kuenda pamudyandigere mwedzi unouya.

Chief Justice Luke Malaba congratulates President Mnangagwa

Asi bhiri iri rikatambirwa mwedzi unouya usati wasvika, zvinogona kupa mukana wekuti VaMalaba varambe vari pabasa ravo sezvo panenge pave nemutemo unovabvumidza kuita izvi.

Kana bhiri iri rikapasiswa mudare reSenate rinobva rave mutemo mushure mekunge mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varisaina sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kudzanai Musengi