Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vanoda kuti Zimbabwe ive nemuzinda wemabhizinisi epasi rese.
Vati izvi ndizvo zviri kupa kuti Zimbabwe ipinde muhurongwa hwekuvandudza mitemo ine chekuita nekukwezva vemabhizinesi kuitira kuti vapinde munyika vakawanda.
Vachivhura musangano wekuti ndezvipi zvingaitwe kuti nyika igare iine runyararo wakarongwa nesangano rinoshanda rakazvimirira reNational Peace Trust, VaMnangangwa vati nyaya yekugova zviwanikwa zvakaenzana, kugara zvakanaka nevavakidzini, kuwanisa vemabhizimisi mikana yekuita basa ravo pamwe nekudzivirira huwori, ndezvimwe zvinoita kuti nyika ive nerunyararo rusingaperi.
VaMnangagwa vati vanoziva kuti nyika dzepasi rese dziri kukwezva vemabhizimini ndosaka vave kugadzirisa mitemo inokanganisa vemazbhimisi nechinangwa chekuti vamhanyire kuuya kuZimbabwe.
Vati vemabhizimisi vakauya muZimbabwe, hupfumi hwenyika hunokura sezvo nyika iine vanhu vakadzidza zvikuru muAfrica.
Vatiwo runyararo rwakosha zvikuru vakati zviri kuitika kuIraq neSyria zvinoratidza zvinoitika munyika kana pasina runyararo.
Asi mumwe muzvinabhizimisi, uye vaimbove meya veHarare, VaMuchadei Masunda, vati hapana chitsva pane zvataurwa naVaMnangagwa, uye hapana kana mumwe zvake muhurumende yeZimbabwe anoda kusandura zvinhu munyika vakati zviri kuitika munyika pari zvino hazvienderani nezvetaurwa naVaMnangagwa.
VaMasunda vatiwo pari zvino makambani munyika ari kushungurudzwa nehurumende zvikuru sei nebazi rinoona nezvekupa masimba ehupfumi kuvatema.
Mukuru wesangano reNational Peace Trust, VaTrust Mamombe, vati musangano uyu uri kupindwa nevakuru vakuru vakuru vehurumende, vemasangano anoshanda akazvimirira kuchamhembe kweAfrica, uchabuda nezvisungo zvinoita kuti nyika ive nerunyaro rusingaperi.
Musangano uyu unopera neMugovera.
Sachigaro weNational Peace Trust, Amai Sekai Holland, vati runyararo rwakakosha munyika uye sangano ravo rinonda kuti vanhu vese vagare murunyararo vachivhotera mapato avanoda.
Vati Zimbabwe inofanira kudzidza kubva kuBurma iyo yakashandura hurumende zvisina mhirizhonga nguva pfupi yapfuura.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Irwin Chifera