Musangano mukuru weInternational Conference on AIDS and STI's In Africa, Icasa, wegumi nesere, watanga muHarare zvine mutsindo nyanzvi munyaya dze HIV/AIDS dzichizeya zviri kubuda muongororo dziri kuitwa pasi rose.
Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reIcasa, Amai Tariro Makanga-Chikumbirike, vanoti musangano uyu uri kufamba zvakanaka uye wakaparurwa zviri pamutemo neSvondo.
Zviri kubuda kumusangano uyu zvinoratidza kuti Zimbabwe pari zvino iri kuita zvirongwa zvakanaka sechirongwa chekutora chikamu chemari yemihoro, AIDS Levy, icho chiri kukokerwa nesangano re National AIDS Councll.
"Zimbabwe iri kuyemurwa nezvirongwa zvainazvo pakuunganidza mari yekutsvaga mishonga yehutachiwona hwe HIV, uye sangano re UNAIDS rakakorokotedza nyika nemabasa aiyiri kuita pasi pechirongwa che AIDS Levy," Amai Makanga Chikumbirike vaudza Studio7.
Dingindira regore rino rinoti “Aids In Post 2015: Linking Leadership, Science And Human Rights.”
Amai Makanga-Chikumbirike vanoti nzvimbo inokwanisa kusvikwa neveruzhinji, Community Village, yaparurwa uye avo vanoda kuenda kunozeya navana mazvikokota vakasununguka kuenda sezvo pasina mubhadharo unodikanwa panzvimbo iyi.
Musangano uyu uri kuenderera mberi neChipiri panguva iyo pasi rose riri kurangarira zuva reInternational World AIDS rinorangarirwa musi wa 1, Zvita.
Your browser doesn’t support HTML5
Huruku naAmai Tariro Makanga-Chikumbirike