VaMugabe Voimba Rwiyo rweRunyararo Vachiviga VaNkomo

  • Thomas Chiripasi

VaJohn Landa Nkomo

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti ivo nevamwe vavo vari munyaya dzezvematongerwo enyika vanofanira kukurudzira runyararo munyika musarudzo dzichaitwa senzira yekuremekedza mutevedzeri wavo, Va John Landa Nkomo, avo varadzikwa pamarinda emagamba muHarare.

Vachitaura ku Heroes Acre muHarare, VaMugabe vakurudzira kuti munyika muve nerunyararo panguva yesarudzo vachiti izvi ndizvo zvanga zvichidiwa nemushakabvu avo vava tsanangura semuyananisi.

Va Mugabe vati nyaya yerunyararo inofanira kutanga naivo pamwe nevari mune zvematongerwo enyika.

Vataura vakamirira mhuri yekwaNkomo, uye ari mwana wemushakabvu, Va Jabulani Nkomo, vati varwadziwa zvikuru nekushayika kwakaita baba vavo.

Vati havana kufara nerunyerekupe rwaiburitswa padandemutande reindaneti rwekuti VaNkomo vakange vafa ivo vasati vashaya. Vati izvi zvakarwadza mhuri yavo sezvo ari mashoko anenge asina kunaka.

Va Mugabe vari pakati pekutaura, magetsi amboenda kwechinguvana zvaita kuti mutungamiri wenyika ambomira kutaura.

Mapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa ange akamirirwa pakivigwa kwaVaNkomo. Vabva kunze kwenyika vanosanganisira mutungamiri weSouth Africa, Va Kgalema Motlanthe, mutevedzeri wemutungamiri weZambia, Va Guy Scott, nevamwe vakuru vakuru vemuhurumende dziri kuchamhembe kwe Africa dzinosanganisira Botswana, Namibia neTanzania.

VaNkomo ndivo mutevedzeri wemutungamiri wenyika wechina kufa vari pachigaro zvichitevera kufa kwakaita Va Joshua Nkomo muna 1999, VaSimon Muzenda muna 2003, pamwe naVaJoseph Msika muna 2009.

Va John Nkomo, avo vakaberekwa musi 22 Nyamavhuvhu muna 1934, vakashaya nemusi weChishanu, uye vasiya amai vavo ,avo vasina kukwanisa kuuya kuzoona vachiradzikwa nepamusana pekurwara pamwe nekukura uye vasiyawo vana vakawanda nevazukuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi