America Inopa Zimbabwe $60M yeKurwisa HIV/AIDS

  • Thomas Chiripasi

Ambassador Bruce Wharton

America yapa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni makumi matanhatu emadhora iyo ichashandiswa mukurwisa dambudziko re HIV/AIDS muvana vadiki.

Hurumende yeAmerica, kubudikidza nechirongwa chemutungamiri wenyika iyi chekurwisana neHIV/AIDS che President’s Emergency Plan For AIDS Relief, kana PEPFAR, yapa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni makumi matanhatu emadhora ichashandiswa mukurwisana nekutapurirwa kwehutachiwana hunokonzera chirwere cheshuramatongo kubva kumadzimai kuenda kuvana munguva yekusununguka.

Vachitaura pakusvitswa kwemari iyi, iyo ichashandiswa kwemakore mashanu, mumiriri we America muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vati hurumende yavo yakazvipira kubatsirana neZimbabwe mukurwisana nedambudziko reHIV/AIDS.


Ambassador Wharton vati hupenyu hweveruzhinji hwakakosha zvikuru nokudaro vati zvakakosha kuti hurumende dzepasi rose dzichengetedze hutano hwevanhu.

Gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vatiwo vafara zvikuru sehurumende neruyamuro rwavapihwa nehurumende ye America.

VaMadzorerera vati zvaitwa neAmerica izvi zvichaita kuti vanhu vasarasikirwe nehupenyu nguva isati yakwana.

Mari yapihwa Zimbabwe neAmerica pasi pechirongwa chiri kudaidzwa kuti Families and Communities for the Elimination of Pediatric HIV in Zimbabwe, inonzi ichashandiswa mukuedza kuri kuitwa nehurumende kuderedza kutapuriranwa kwehutachiwana kubva mumadzimai kuenda kuvana kubva pazvikamu gumi nezvina kubva muzana, kusvika kuzvikamu zviri pasi pezvishanu kubva muzana panosvika gore ra 2015 pamwe nekuwaniswa kwemapiritsi anonwiwa nevanhu vanorarama nehutachiwana kumadzimai akazvitakura.

Zvichakadai, sangano reUNICEF rapa bazi rezvehutano mibhedha yevana vadiki zana ichashandiswa muzvipatara mukuedza kurwisana nekufa kunoita vana panguva yekuzvarwa.

Bazi iri ratambidzawo motokari makumi matatu neina kubva muhomwe ye Health Transition Fund dzichashandiswa mukusimbaradzwa kwenyaya dzezvehutano.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi