Mumwe Chiremba Oyambira Vanhu Zvekuita neChirwere cheShuga

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti chirwere cheshuga chiri kupararira munyika sezvo veruzhinji vasina ruzivo rwakawanda nezvacho.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Diabetic Association, Dr John Chamunhorwa Mangwiro, vanoti dambudziko guru nderekuti veruzhinji vanotya kuenda kunoongororwa kuti vane chirwere ichi here pachine nguva.

Dr Mangwiro vanotiwo vane chirwere ichi vari kutarisana nedambudziko rekudhura kwemishonga yekurapa chirwere ichi.

Dr Mangwiro vanoti vari kuita zvirongwa nebazi rezvehutano zvekudzidzisa veruzhinji kukosha kwakaita kuongororwa nekurapwa chirwere ichi chisati chakomba.

Dr Mangwiro vanoti pane mhando mbiri dzechirwere ichi. Pane Type 1 iyo inowanikwa muvanhu vechidiki vari pasi pemakore makumi matatu.

Imwe mhando yacho ndeye Type 2 iyo inowanikwa muvanhu vakawanda munyika uye vanemhando iyi vanowanikwa vachimwa mapiritsi asi Dr Mangwiro vanoti mukufamba kwenguva vanowanikwa vachizvibaya majekiseni.

Dr Mangwiro vanokurudzira veruzhinji kuti vaende kunoongororwa navana mazvikokota chirwere ichi chisati chakomba sezvo chichikwanisa kurapika kana chabatwa.

Dr Magwiro vanoti veruzhinji vanofanirwa kudya zvikafu zvemanyakare zvakaita semhunga nezvirimwa zvinobva mumagadheni kwete kuwanza zvikafu zvemazuva ano zvakanyaya kusefeka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr John Chamunorwa Mangwiro