Vagari vemu Harare uye vari nhengo dzesangano rinomirira vagari re Combined Harare Residents Association, kana kuti CHRA, varatidzira pamahofisi ekanzuru pa Town House vakatakura migomo isina chinhu vachiti vanoda mvura kubva kukanzuru.
Vamwe vevanhu ava, avo vanga vakapfeka nguwo chena dzakanzi "mvura inhaka yedu", vapinda mune mamwe mahofisi epa Town House zvaita kuti vamwe vashandi vekanzuru vatadze kuita basa ravo.
Mumwe wevaratidziri ava, Va Urudo Chivamba, avo vati vanogara mumusha we Warren Park, vanoti vagari vari kuita mazuva akawanda vasina mvura zvava kukonzera kuti vawomerwe nehupenyu.
Mumwe wechikuru anga achiratidzira pamahofisi ekanzuru aya ndi Amai Jamea Mbuli avo vanoti vane makore makumi matanhatu. Amai Mbuli vanoti nepamusana pekukura kwavaita, zvave kuvanetsa kuti vaswere vachienda kunotsvaga mvura yokushandisa pamba kuzvibhorani zvakachereswa.
Muzvare Evernice Munando avo vanoshanda resangano re CHRA vati dzimwe nzvimbo mu Harare dzakaita seMabvuku ne Tafara dzave nemakore akawanda dzisina mvura asi vagari vachingonzi ngavabhadhare mitero.
Muzvare Munando vati nekuda kwekushayikwa kwemvura munzvimbo dzakawanda, zvirwere zvinokonzerwa netsvina zvava kuwanda munzvimbo dzinogara veruzhinji.
Hurumende inoti homwe yayo yakabooka zviri kuita kuti itadze kugadzirisa zvinhu zvakawanda munyika zvakafanana nekuwanisa veruzhinji mvura nguvanenguva uye yakachena.
Asi Va Chivamba vati zvinotaurwa nehurumende zvinonetsa kunzwisisa sezvo vachiramba vachiwona vakuru-vakuru muhurumende pamwe nemukanzuru vachiramba vachitenga mizvambarara yemotokari dzinodhura.
Zvichakadai, meya we Harare, Va Benard Manyenyeni, vazobuda muhofisi mavo vakaudza varatidziri ava kuti vakatarisira kuti munhu wese ange ave nemvura mu Harare muna Gumiguru mushure mekunge kanzuru yapedza kugadzira michina inochenesa mvura ku Morton Jaffray Water Works.
Mushure mekuratidzira uku, Va Manyenyeni vazocherera varatidziri ava mvura mumigoro yavanga vainayo kubva papombi dzekanzuru sezvo vagari vanga vachigunun'una nerokuti mvura iri kuwanikwa pamahofisi ekanzuru chete asi mumisha inogara veruzhinji isina mvura.
Meya vakurudzirawo kuti vashandi vekanzuru vasakiye zvibhorani zviri kuwanisa vanhu mvura mune dzimwe nzvimbo mu Harare kuitira kuti vanhu vagare vaine mvura yokushandisa.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi