HARARE —
Chirwere chemanyoka chinonzi chiri kubata vana vakawanda muHarare.
Chirwere ichi chiri kufungidzirwa kuti chiri kukonzerwa nekushayikwa kwemvura yakachena.
Zvinonzi vana vakawanda mumisha yakaita se Mabelreign, Ashdown Park pamwe ne Westlea vari kubatwa nechirwere chemanyoka icho chinonzi nevagari venzvimbo idzi chave kupararira.
Studio 7 yashanyira chipatara che Mabelreign Satellite Clinic ndokuwana pane vana vadiki vakawanda vanga vachichaya manyoka pamwe nekurutsa uye vamwe vanga vachichema.
Mumwe mwana mudiki anga ari mumutsetse wekurapwa anga aina amai vake anzi anonzi Thelma Sawopa, uyo ane makore matatu ekuberekwa, audza Studio 7 kuti manyoka amuonesa chitsvuku.
Amai vemwana uyu, Amai Hilda Sawopa, vanoti vana vavo vese vaviri vafuma vakabatwa nemanyoka akaipisisa zvaita kuti mumwe mwana wavo mukuru atadze kuenda kuchikoro.
Amai Sawopa vati vanowona sekuti dambudziko remanyoka iri riri kukonzerwa nekushayikwa kwemvura mu Mabelreign nguva zhinji. Vati dzimwe nguva vanowana mvura kamwe chete pasvondo kana kusatomboiwana zvachose zvava kukonzera kuti vana vazhinji vagare mudzimba dzisina hutsanana.
Vana mukoti pa Mabelreign Satellite Clinic vatataura navo avo varamba kubuditswa mazwi avo pamhepo vachiti havabvumidzwe nemitemo yebasa ravo kutaura nevatori venhau, vaudza Studio 7 kuti kubva neMuvhuro wesvondo rino varapa vana vanodarika zana vanga vabatwa nechirwere chemanyoka.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, Va David Parirenyatwa, kuti tinzwe divi rebazi ravo panyaya iyi.
Mukuru anowona nezvedzivirirwa kwekupararira kwezvirwere mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi sezvo vati vanga vari munzira kuenda ku Masvingo.
Doctor Manangazira vati titaure nemutevedzeri wavo, Doctor Phiri, avo vati titaure nemukuru anowona nezvehutano mukanzuru ye Harare, Va Prosper Chonzi, avo tisina kukwanisa kubata.
Kunyange hazvo Studio7 isina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, gwaro rakaburitswa nebazi rezvehutano svondo rapera rakaburitsa pachena kuti chirwere chemanyoka chakauraya vanhu vatanhatu musvondo rapera uye kune vanhu vanosvika zviuru zvipfumbamwe vakabatwa nechirwere chemanyoka munyika yose musvondo rapera chete chete.
Meya weHarare, Va Benard Manyenyeni, vaudza Studio7 kuti dambudziko rekushayikwa kwemvura riri kukonzerwa nekushayikwa kwemari yekutenga mishonga yekuchenesa mvura zviri kupa kuti kanzuru isakwanise kuwanisa veruzhinji mvura yakachena uye nguva dzose.
Va Manyenyeni vati zvichatora nguva yakareba kuti kanzuru igokwanisa kupa vagari mvura kana isina kuwana mari iyi uye vakurudzira kuti vagari vabhadhare mari kukanzuru kuitira kuti kanzuru igokwanisa kutenga mishonga yekuchenesa mvura iyi.
Kudzamara dambudziko remvura ragadziriswa, hupenyu hweveruzhinji hunogona kupinda munjodzi sezvo chirwere ichi chichitapuriranwa.

Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi