Mapato ezvamatongerwo enyika gumi nematatu aungana neChipiri muHarare achikurudzira kuti zuva rekucherechedza runyararo pamwe nekubatana kwevanhu rinofanirwa kubatanidza zvizvarwa zvese zvemuZimbabwe, kwete kuita rusarura.
Masangano aungana aya anoti kunyange hazvo zuva rekucherechedza runyararo munyika rakaumbwa pasi pemapato maviri eZanu PF ne PF Zapu, zuva iri rinofanirwa kuva zuva remunhu wese ari muZimbabwe.
Masangano anopikisa hurumende aya ari kushandawo pamwe chete muchirongwa che National Electoral Reforms Agenda, Nera, icho chine chinangwa chekuona zvinhu zvose zvine chekuita nesarudzo zvichigadziriswa sarudzo dza 2018 dzisati dzaitwa.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
Munyori mukuru kubato reMDC rinotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vati kubatana munyika kunounza runyararo nekudaro kunofanirwa kuva nezuva rerunyararo nekubatana renyika yese.
Mutungamiri webato reAfrican Democratic Party, Muzvare Marcelina Chikasha, vati zvinonyadzisa zvikuru kuti kunzi pane zuva rezororo rekucherechedza runyararo nekubatana, izvo zviri pachena kuti munyika hamuna kubatana kwacho.
Muzvare Chikasha vatora mukana uyu kushoropodzavatungamiriri vehurumende avo vavati ndivo vari kukonzeresa kusabatana kweveruzhinji munyika.
MutungamiriweDemocratic Assembly for Restoration and Empowerment, VaGilbert Dzikiti, vati zuva ranhasi rapembererwa kuchivigwa nhengo yeZanu PF Senator Georgias Aguy kuHeroes Acre izvo zvavati zvinounza kunyunyuta kukuru kubva kumapato anopikisa . VaDzikiti vati nyaya yekuti vanhu vanotsigira bato reZanuPF ndivo chete vari kuvigwa kuHeroes Acre zvinoratidza kuti munyika hamuna kubatana zvachose.
Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vatiwo kubatana kwemapato anopikisa achida kuti sarudzo dziitwe zvejekerere pasi peNera, zvinoratidza mushandira pamwe chete uri kuitwa nemapato anopikisa.
Mugwaro raro rekucherechedza National Unity Day, sangano reNational Peace Trust riri kukurudzira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvirambe zvakabatana. Asi sangano iri ratiwo zvinosuwisa kuti runyararo nekubatana zviri kuramba zvichiderera muZimbabwe.
Zuva reNational Unity Day rakatanga kuremekedzwa sezororo zviri pamutemo muna 1997, makore gumi mushure mekunge mutungamiri weZanu, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri weZapu, mushakabvu Joshua Nkomo, vanyorerana chibvumirano cherunyararo pamwe nekubatana kwemapato maviri aya achiumba bato rimwe chete reZanu PF.