Mapurisa eKanzuru yeHarare Anotadza Kubvisa Vanotengesera Mumigwagwa

  • Thomas Chiripasi

Mapurisa ekanzuru amboedza neChipiri kubvisa nechisimba vanotengesera mumigwagwa asi zvakundikana sezvo vanotengesera mumigwagwa ava varamba vakatsika madziro vachiti havana kwavanoenda.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vanotengesera mumigwagwa ava re Zimbabwe Informal Sector Organization, ZISO, Va Promise Mkwananzi, vati mapurisa ekanzuru asvika panga pachitengesera vanhu ava paCopa Cabana mu Harare vakaedza kuda kubvisa nechisimba vanotengesera mumigwagwa ava kuti vaende kunzvimbo dzakatarwa nekanzuru kuitira kuti vanotengesera vari kunzvimbo idzi.

Va Mkwananzi vati havasi kuzobvuma kuti vanotengesera mumigwagwa ava vabviswe pasina hurongwa hwakati tsvikiti. Vati kanzuru pamwe chete nehurumende vanofanira kuwona kuti vagadzira nzvimbo dzekutengesera dzakanaka uye kuwona zvakare kuti nyaya yekushayikwa kwemabasa yagadziriswa.

Mushure mekutadza kubvisa vanotengesera mumigwagwa, vashandi vekanzuru vazoswera vave kufamba nemotokari vachishevedzera vachikurudzira kuti vanotengesera mumigwagwa vakanyoresa muchirongwa chiri kuitwa nekanzuru chekunyoresa vanhu vese vanotengesera mumigwagwa vachitanga kuenda kunzvimbo dzakatarwa nekanzuru kuitira kuti vashande vari kwadziri.

Asi vazhinji vevanotengesera mumigwagwa ava vanoti havasi kuda kuenda kunzvimbo idzi vachiti hakuna vanhu vanouyako vachitenga uye vanoti nzvimbo idzi hadzina kugadzirwa zvakakwana.

Zvichakadai, meya wekanzuru ye Harare, Va Benard Manyenyeni, vati kana vanhu vachibviswa munzvimbo dzavanotengesera vanofanira kubviswa zvine mwero.

Pane imwewo nyaya ine chekuita nemafambisirwo ebasa mukanzuru ye Harare, Va Manyenyeni vaudza vatori venhau kuti munyori mukanzuru yavo, Va Tendai Mahachi, avo vakambomiswa basa kuti kanzuru imbovaferefeta, vanofanira kuwunza magwaro anoratidza kuti vakadzoka seyi kubasa mazuva maviri asati adarika.

Va Manyennyeni vaudza vatori venhau pa Town House kuti vachasvitsa nyaya yaVa Mahachi kugurukota idzva rrinowona nezvematunhu, Va Saviour Kasukuwere, zvichitevera kudzoka kwakaita Va Mahachi nezuro kubasa kunyange hazvo vakambomiswa basa nekanzuru yavo.

Va Kasukuwere vati havasati vaziva mamiriro akaita zvinhu mukanzuru ye Harare sezvo vakatanga basa mubazi iri nezuro.