VaChris Mbanga Vanosarudzwa Kuva Mutevedzeri waMeya weGuta ReHarare

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Harare City Council

Makanzura emuHarare nemusi weChipiri akadoma VaChris Mbanga kuti vatore chigaro chekuva mutevedzeri wameya weguta reHarare.

VaMbanga vari kutsiva VaThomas Muzuva vakashaya nechirwere chegomarara mwedzi wapfuura.

Vachitaura neStudio7 VaMbanga vanoti vanoda kupedza huwori uhwo hunonzi hwatekeshera mukanzuru uye vanoda kuti guta reHarare ridzokere pachidanho charo chekuzivikanwa senzvimbo yakachena kana kuti "Sunshine City."

VaMbanga vanoti manyepo kuti vakadomwa nemutungamiri webato ravo reMDC-T VaMorgan Tsvangirai semunhu anofanirwa kutora chigaro ichi vachiti vakasarudzwa nemakanzura sezvo vashanda kwenguva refu mubato nemukanzuru.

Vanotiwo vava nehunyanzvi hwebasa ravo izvo zvaita kuti vawanikwe vachivhoterwa nemamwe makanzura.

VaMbanga vanoti vanoremekedza zvikuru basa rakaitwa nemushakabvu uye vanotsidza kuti vachaedza kushanda nevanhu veguta reHarare mukuedza kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa.

Vanotiwo vane shungu yekushanda nevakaremera, chirikadzi nemamwewo mapoka akasiyana-siyana mukuedza kugadzirisa zvinhu mukanzuru yeHarare.

VaMbanga vakapihwa basa iri panguva iyo kanzuru yeHarare yakatarisana nematambudziko mazhinji ano sanganisira kushaikwa kwemvura, rekusatakurwa kwemarara nekubvisa vanoita zvekutengesa mumigwagwa sekurudziro yehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaVa Chris Mbanga