Izvi zvabuda mugwaro raparurwa neChina nemasangano anoti Federation for Human Rights (FIDH), World Organisation Against Torture, neZimbabwe Human Rights Association, kana kuti ZimRights.
Gwaro iri, iro rinonzi, “Zimbabwe: Ongoing Risks for Human Rights Defenders in the Context of Political Deadlock and Pre-electoral Period,” rinoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuenderera mberi uye hapana tarisiro yekuti izvi zvinogona kupera sarudzo dzisati dzaitwa.
Vatiwo hurumende iri kuomesa musoro nekuramba kuteedza zvisungo zvekodzero dzevanhu zvayakasaina zvakaita seAfrican Charter on Human and People’s Rights neCovenant on Civil and Political Rights.
Zimbabwe iri kurambawo kushandura kana kubvisa mitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act nePublic Order and Security Act iyo inotadzisa vanhu kuve nekodzero dzavo dzose.
Mukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMacdonald Lewanika, vati gwaro raparurwa iri rakanaka chose uye vacharishandisa sehumbowo apo vachange vari kutaura nezvedambudziko remuZimbabwe kune vamwe vavo nehurumende dzemuSouthern African Development Community.
Vamwe vevakanyora gwaro iri, ndiVaArnold Tsunga, gweta uye mutevedzeri wemutungamiri we FIDH, zvakare vari mukuru we Africa Regional Programme of the International Jurists naAmai Berita Kopolo vanove nhengo yeCentre for Human Rights kuPretoria University kuSouth Africa.
Zvichakadai, mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vazivisa kuti kutanga gore rino, sangano ravo richange rave kupa mubayiro gore rega rega kune avo vanorwira kodzero dzevanhu kubva mumatunhu ese munyika.
VaMachisa vati vanhu ava vachatambidzwa mubairo yavo pamhemberero dzekucherechedza zuva rekodzero dzevanhu pasi rose, reInternational Human Rights Day.