Muzvinafundo Makumbe Vanovigwa Zvine Mutsindo kuBuhera

  • Thomas Chiripasi

Muzvinafundo John Makumbe

Vanhu vanodarika mazana masere vaungana mubhuku rekwaMasveru mudunhu raIshe Makumbe ku Buhera vachionekana naMuzvinafundo John Makumbe, avo varadzikwa neChitatu kumusha kwavo.

Vachitaura pakuradzikwa kwaVaMakumbe, mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri we MDC huru, Va Morgan Tsvangirai, vati Zimbabwe yava kuzowana hutongi hwejekerere kubudikidza nebumbiro idzva remitemo rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende ye COPAC VaMakumbe vari chipangamazano cheMDC mukunyorwa kwebumbiro iri.

Va Tsvangirai vakurudzira vemubato ravo kuti vasashandise mari kutsvaga rutsigiro pasarudzo dzekutsvaga vanhu vachamirira bato ravo musarudzo dzeparamende vachiti VaMakumbe vanga vasingade zvehuwori.

VaMakumbe vanga vave kuda kumira musarudzo dzeparamende vakamirira MDC kuBuhera West kwanga kuri kumusha kwavo.

Ishe Makumbe vakuruduzirawo madzishe nemasabhuku kuti asakurudzire nyaya dzemhirizhonga munguva dzesarudzo.

Mutungamiri webato reMavambo Kusile Dawn, Va Simba Makoni, vatiwo mushakabvu anga ari munhu anga achibatanidza zvizvarwa zve Zimbabwe yose.

Vanhu vauya pakuvigwa kwaVa Makumbe vanosanganisira vadzidzisi vepa University of Zimbabwe apo pavanga vachidzidzisa zvematongerwo enyika, vemapato ezvematongerwo enyika kusara kwe Zanu PF chete, pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira nevamwe.

Va Makumbe vakashaya nemusi weSvondo mushure mekurwara nechirwere chemwoyo. Vasiya mudzimai nevana vashanu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi