VaMugabe Vanoparura Chirongwa Chekuwanira Vanhu Chikafu

VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaparura neChina zviri pamutemo gwaro rinotara mafambisirwo achaitwa hurongwa hwekuti munyika muve nechikafu chakakwana pamwe nehutano hwakanaka, kana kuti food and nutrition policy.

Vachitaura pakuparurwa kwehurongwa uhwu, VaMugabe vakurudzira masangano ekunze anobatsira nemari kuti abatsire Zimbabwe munyaya dzezvekurima kuitira kuti nyika ikwanise kurima chikafu chinokwanira vanhu vese vari munyika.

VaMugabe vanoti kushanduka kuri kuita mamiriro ekunze pamwe nezvirango zvakatemerwa ivo VaMugabe nevamwe vakuru vakuru mubato ravo re Zanu PF nenyika dzakabudirira, ndiko kuri kukonzerawo kushomeka kwechikafu munyika.

Mutungamiri wenyika anotiwo mwana mumwe chete pavatatu munyika, havana hutano hwakanaka nepamusana pekushomeka kwechikafu.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Va Douglas Mombeshora, vatiwo kuwaniswa kweveruzhinji chikafu kunoita kuti madzimai nevana vasarasikirwe nehupenyu pamusana pekushaikwa kwechikafu chinovaka muviri.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vari kutungamira hurongwa hwaparurwa uhwu, vanoi nzara yakaitika munyika muna 1995 ichikonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura, yakakonzerawo kuti matura enyika aderere zvikuru rinova dambudziko risati rapera pari zvino.

Asi nyanzvi munyaya dzezvekurima dzinoti kusamira zvakanaka kwezvinhu panyaya dzechikafu munyika kuri kukonzerwa nemabatirwo nyaya yeminda kwakaitwa nehurumende yeZanu PF iyo yakabvuta minda kubva kuvarimi vechichena.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi