Vanoita zvemafirimu, Va Silvanos Mudzvova, varambidzwa neChina nemapurisa kuparura firimu ravo mu Harare rinonzi kuMasowe ravakaita zvichitevera kuzvindikitwa kwakaitwa mamwe mapurisa nemapositori mumusha weBudiriro muno mu Harare mwedzi mishoma yadarika.
Va Mudzvova vanoti kubva neChitatu vanga vachienda kumapurisa kwavanga vachibvurudzwa nezvefirimu iri.
Vanoti varasikirwa nemari yakawanda zvikuru nekurambidzwa kwavaita kuparaura firimu iri.
Va Mudzvova, avo vakapihwa mibayiro yakawanda muno pamwe nekunze munyaya dzemafirimu, vanoti kutyora kodzero dzavo kuvarambidza kuratidza zvizvarwa zve Zimbabwe tarenda ravo munyaya dzemafirimu.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi