European Union Inopa Zimbabwe Rubatsiro rweMari yeKutenga Chikafu

  • Jonga Kandemiiri

Sangano reEuropean Union ragara richibatsira Zimbabwe nemari yekutenga chikafu kuitira kurerutsa dambudziko renzara.

Sangano reEuropean Union nhasi razivisa kuti rapa Zimbabwe rubatsiro rwemari inosvika mamiriyoni gumi nemasere emadhora ekuAmerica, senzira yekubatsira nayo kurwisana nenzara yakatarisana nenyika.

Sangano iri rinoti mari iyi ichabatsira mukuwanira vanhu chikafu, kuwanikwa kwehutano, mvura yakachena, uyewo kubatsira mukudzivirira mamwe matambudziko anokonzerwa nekusawanikwa kwechikafu.

Mari iyi inonzi ndeimwe yemari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemana emadhora ekuAmerica iri kubatsirwa nayo nyika dzekuchamhembe kweAfrica nesangano iri mukuwaniswa kwechikafu nemvura yakachena.

Dzimwe nyika dziri kuwanawo rubatsiro dzinoti Zambia, Lesotho, Eswatini pamwe neMadagascar.

Nyika dzakawanda dzekumawirira dziri kubatsira Zimbabwe nechikafu, mushure mekunge yazivisa kuti vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vakatarisana nenzara inotyisa gore rino nekuda kwekusanaya zvakanaka kuri kuita mvura mumakore adarika.

Nyanzvi munyaya dzechikafu uye vakambotungamira sangano reChristian Care, Reverend Forbes Matonga, vanoti idanho rinotendwa zvikuru ratorwa neEuropean Union rekubatsira nyika nechikafu sezvo huwandu hwevanhu vari kuda chikafu hwanyanya kukwira zvichienzaniswa nenzara ya2008.

Reverend Matonga vanoti kusanaya zvakanaka kwemvura nderimwe rematambudziko ari kuwedzera huwandu hwevanhu vari kuda chikafu.

Vanoti mumwaka inenge yakanaka, vanhu vanotanga kudya zvirimwa zvemuminda mumwedzi waKukadzi, asi iye zvino hazvichakwanisiki.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Forbes Matonga