Sangano re European Union ratanga neMuvhuro kudyidzana nehurumende yeZimbabwe zvichitevera zvirango zvakambotemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende izvo zviri kunzi zvibviswe nekukasika.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
European Union yapa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni mazana maviri nemakumi manomwe emadhora yatara kutanga kudyidzana pakati peEU nehurumende ye Zimbabwe zvichitevera kutemerwa kwakaitwa mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nevamwe vakuru-vakuru muhurumende zvirango ne EU muna 2002 nepamusana pekutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekubirirwa kwesarudzo munyika.
Zvichitevera kubviswa kwakaitwa vamwe vanhu pazvirango izvi gore rapera ne EU, sangano renyika dziri mu Europe iri raparura chirongwa che National Indicative Programme chiri pasi pehomwe inowona nezvebudiriro ye 11th European Development Fund. Chirongwa ichi chichaitwa kubva gore rino kusvika muna 2020 uye Zimbabwe yakatadza kuwana mari iyi mumakore apfuura nepamusana pezvirango izvi.
Mumiriri we EU mu Zimbabwe, Va Phillipe Van Damme, vati vanotarisira kuti mari iyi ichashandiswa nemazvo uye hurumende yatevedzera mitemo yenyika. Va Van Damme vati vanotarisirawo kuti hukama pakati pe EU ne Zimbabwe huchange hwakanaka.
Vachitaurawo pakunyoreranwa kwaitwa chibvumirano ichi, gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vati Zimbabwe ne EU hadzife dzakadyidzana zvizere kana Va Mugabe nemudzimai wavo vakaramba vari pasi pezvirango zvesangano iri.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru we Media Centre, Va Earnest Mudzengi, vanoti hapana chazviri kubatsira nyika kuti Va Mugabe varambe vari pasi pezvirango zve EU.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, munyori mubazi rezvemari, Va Willard Manungo, vati mari yavapihwa ne EU iyi ichashandiswa mukuvandudza nyaya dzekurima munyika, hutano pamwe nekusimbisa mapazi ehurumende kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.
Masangano anoshanda akazvimirira achange ave kupihwa mari kubva muhomwe yehurumende zvichitevera kuiswa kwaitwawo mari inoita 6 million Euro yakanangana nemasangano aya muhomwe yehurumende.
Asi mutungamiri wesangano rinorwisana nenyaya dzehuori, (Name of organization) Va Terry Mutsvanga, vati havawoni hurumende ichipa masangano ainofungidzira kuti haawirirane nayo mari iyi.
Danho ratorwa ne EU rekuisa mari iyi muhomwe yehurumende rinouyawo apo pane mashoko ekuti mamwe masangano emuno anoshanda akazvimirira ari kuferefetwa nehurumende yeAmerica panyaya yekunzi pane mari yakawanda isina kufambiswa zvakanaka nemasangano aya.