Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato reZanu PF, iro riri kuronga kongiresi yaro yemu Zvita.
Pasati paitwa kongiresi iyi, pachatanga paitwa kongiresi yevechidiki uye yemadzimai muna Nyamavhuvhu.
Asi zvinhu zvinonzi hazvisi kufadza vakawanda zvichitevera mitemo yakatarwa nebato iri ichashandiswa kuitira kuti vanhu vakwikwidze muzvinzvimbo mubato iri.
Zvinonziwo pane kunetsana kuri kuitika mubato iri, uko kwakapa kuti nhengo dzeparamende mbiri dzebato iri, dzirwisane. Vanonzi vakarwisana inhengo yebato inomiririra Kwekwe Central, VaMasango Matambanadzo, uye vanomirira Gokwe-Kana, VaOwen Ncube.
Bato iri rinoti richavaranga zvakaomarara vakabatwa nemhosva. Vaviri ava vanonzi vari muzvikwata zviviri zviri kunetsana mubato iri. Zvikwata izvi zvinonzi zviri kutungamirwa nemunyori wezvemitemo mubato, VaEmmerson Mnangagwa, chimwe nemutevedzeri wemutangari webato, Amai Joyce Mujuru.
Amai Mujuru vakaita musangano ku Mt Darwin vakashorawo zvikuru vamwe mubato ravo vachiti vainge vachikara zvigaro zvekutoda kubvisa kana VaMugabe vacho pachigaro. Amai Mujuru havana kutaura kuti ndivanani.
Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato revechidiki muZanu-PF, VaTongai Kasukuwere, vanoti vamwe vanogona kunge vasiri kufara nemitemo asi hapana chakaipa.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTongai Kasukuwere
Nyanzvi munyaya dzezvamatongerwo enyika, uye vachidzidzisa paHuddersfield University muBritain, VaNkululeko Sibanda, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZanu-PF.