Mapato Anopikisa VaMugabe Oronga Kubatana

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Mapato mashanu anopikisa bato reZanu-PF neChipiri akatanga musangano mukuru wemazuva maviri wekuyedza kuumba mubatanidzwa sarudzo dzisati dzaitwa.

Mapato anonzi apinda mumusangano uyu anoti MDC-T, MDC, Mavambo Kusile Dawn, Zapu neZANU-Ndonga.

Asi vamwe mumapato aya vanoti zvichanetsa kuunza mubatanidzwa wakadai nekuti mapato acho haaite mubatira pamwe pane zvinhu zvakawanda.

Uyu musangano wechipiri vatungamiri vemapato aya vachiedza kubatana kuti vabvise VaMugabe pachigaro munguva yesarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezvamatongerwo enyika, uye vari chipangamazano musangano reInternational Crisis Group, VaTrevor Maisiri, vanoti mubatanidzwa uyu wakanaka kana uchibatsira nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTrevor Maisiri