Mupepeti weSunday Mail Kudzayi Anorambirwa Kubvisa Mari yeChibatiso

  • Thomas Chiripasi

Edmund Kudzayi

Mupepeti webepanhau rehurumende re Sunday Mail, Va Edmund Kudzayi, avo vari kupomerwa mhosva yekuedza kupidigura hurumende, vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

VaKudzayi vanzi nedare varambe vari mujeri kusvika mwedzi unouya vakamirira kutongwa kwemhosva yavari kupomerwa sezvo dare ramejasitireti risina masimba ekupa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva iri kupomerwa mupepeti wenhau uyu.

Va Kudzayi avo vari kupomerwa mhosva yekuronga kupidigura hurumende vachishandisa peji repadandemutande rinozivikanwa nekuti Baba Jukwa riri pa Facebook vawunzwa kudare nhasi vakaiswa cheni mumawoko uye vakapfekedzwa mbatya dze khaki dzekujeri.

Mutongi wedare, Va Vakayi Chikwekwe, vati Va Kudzayi vagodzoka kudare musi wa 7 Chikunguru vachibva muchizarira uye kana vachida kutongwa vachibva kumba vanofanirwa kunokumbira kudare repamusoro sezvo vachiti sedare ramejasitiriti havana masimba ekuvapa mukana wekubhadhara mari yechibatiso panyaya yakakomba kudai.

Izvi zvatsinhirwa negweta raVa Kudzayi, Va Admire Rubaya, avo vanoti vave kukwidza nyaya iyi kudare repamusoro re High Court.

Va Kudzayi vakanozvipira kumapurisa musi we China mushure mekunge mapurisa akanga akapakatira zvombo asvika kuhofisi kwavo pa Herald House achivatsvaga akavashaya.

Vakazouyiswa kudare neMugovera vakanzi vadzoke nhasi kuzosvitsa chikumbiro chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Asi nhasi gweta rehurumende, Va Tawanda Zvekare, vati chikumbiro ichi chinotokwanisa kunzwikwa nemutongi wedare repamusoro izvo zvatambirwa negweta raVa Kudzayi pamwe chete nemutongi wedare.

Va Kudzayi vari kupomerwa mhosva yekuedza kupidigura hurumende yakasarudzwa pamwe nekushambadzira mashoko anosvibisa zita rehurumende pa Facebook vachishandisa zita remadunhurirwa rekuti Baba Jukwa.

Kunyange hazvo Va Kudzayi vakasungwa vachinzi ndivo Baba Jukwa, nezuro peji ra Baba Jukwa rakabuditsa mamwe mashoko zvakare anotsoropodza hurumende.

VaKudzai ndivo mupepeti webepanhau rehurumende wekutanga kusungwa ari pabasa kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980. VaKudzai vakadomwa semupepeti weSunday Mail muna Kubvumbi 2014 .

Nyanzvi munyaya dzekutora nhau dzinoti VaKudzayi havana nhoroondo yakadzama munyaya dzekutorwa kwenhau munyika.

Mune chimwe chiitiko, mapurisa anonziwo ari kutsvaga mupepeti webepanhau re Zimbabwe Independent, Va Dumisani Muleya, uye vakambosvika kumahofisi ebepanhu iri asi Va Muleya vanonzi vakambotora mazuva ekuzorora pabasa mazuvano.

Hazvisati zvanyatsozivikanwa kuti sei mapurisa ari kutsvaga Va Muleya.