Kambani yeDavid Whitehead neChina yakadzinga basa vashandi vanosvika mazana maviri nemakumi mana nevaviri apo dare repamusoro reSenate raizeya nekutambira bhiri rekuvandudza mutemo wevashandi kana kuti Labour Ammendment Bill.
Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti David Whitehead yadzinga vashandi basa.
Bhiri iri rakapasiswa mudare repasi reHouse of Assembly nemusi weChipiri.
Dare reSenate iri rakaramba kutambira kurudziro dzebato rinopikisa reMDC rekuti rivandudze zvimwe zvainge zvatambirwa kare neHouse of Assembly.
MDC yaida kuti pavandudzwe zvakanangana nenyaya yekuti vashandi vasangodzingwa basa zvisina tsarukano uye kuti vapihwewo mari yakati wandei kana vachinge vadzingwa basa.
Nyaya yekuvandudza mutemo uyu iri kuuya apo makambani akawanda ari kuramba achidzinga vashandi kubva zvakapihwa mutongo nedare reSupreme Court wekuti vashandirwi vanokwanisa kudzinga vashandi basa mushure mekuvapa chiziviso chemwedzi mitatu.
Vashandi vanodarika zviuru makumi maviri vadzingwa basa kusvika pari zvino.
Nyanzvi munyaya dzezvevashandi, uye vari gweta, VaRogers Matsikidze, vanoti hurumende inenge yakaresva pakuda kugadzirisa zvose zviri kunetsa pasina kugara pasi nevashandi nevashandirwi kuti vagadzirisane zviri kunetsa pakati pavo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRogers Matsikidze