Vashandi Vanodarika Chiuru Chimwe Vogumurwa Mabasa

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti vashandi vanodarika chiuru chimwe nemazana matatu vamiswa basa pachityirwa kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanogona kushandisa masimba avo kumisa kushanda kwemutongo wedare repamusoro soro wekuti vashandirwi vanokwanisa kumisa vashandi basa kana vavapa chiziviso chemwedzi mitatu.

Mutemo uyu unopawo vashandirwi masimba ekusapa vashandi mari dzekukumurwa basa, kana kuti retrenchement package.

NeChipiri vashandi vakakumbira gurukota rezvevashandi, Amai Prisca Mupfumira, kuti vakumbire VaMugabe kuti vashandise masimba avo ePresidential Powers Temporary Measures Act kudzika mutemo kwemwedzi mitatu unomisa kugumurwa kwevashandi uko kwatova kuitika.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandi vakawanda vari kurasikirwa nemabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro maVaJaphet Moyo

Mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaDavid Norupiri, vanoti zvimwe zviri kutaurwa hazvina chokwadi nekuti vemabhizimisi havasi kungogumura vashandi pasina chikonzero.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDavison Norupiri