Vakawanda Vanoti Zvicherwa zveNyika Hazvisi Kuvabatsira

  • Loirdham Moyo

Vagari vemunharaunda dzine zvicherwa vanoti hurumende inofanirwa kudzika mitemo inosungira kuti makambani anochera zviwanikwa, ave nemafekitori anochenesa zviwanikwa izvi zvisati zvaenda kunotengeswa kunze kwenyika.

Vagari ava vanoti izvi zvikaitwa, zvinoita kuti vagari vemunzvimbo idzi vawane mabasa. Mashoko aya akabuda pamusangano wemazuva maviri uri kuitirwa kwaMutare kutanga neChipiri uchipera neChina. Zimbabwe Environmental Law Association, ZELA ndiyo yakaronga musangano uyu.

Vachitaura pamusangano uyu, mumwe mugari wekwaMutoko, uko kunochenerwa matombo anotengeswa kunze kwenyika, VaFanuel Mafuta, vakati zvinovashungurudza kwazvo kuti panguva ino apo nyaya dzeCommunity Share Ownership Trust dzisiri kufamba zvakanaka, zvakakosha kuti vemakambani aya vasungirwe kushandira munzvimbo dzavanochera kuitira kupa mabasa vagari kuburikidza nekuva nemichina inochenesa zvicherwa zvisati zvatengeswa.

VaMafuta vati hurumende inotarisirwa nevagari kuti ione kuti kana makambani achida kubatsira nharaunda, aite izvi nenguva yakafanira kwete kutora nguva refu apo anenge achichera zvicherwa.

Mumwe mugari wekwaChiadzwa kunocherwa mangoda, VaLovemore Mkwada, vatiwo vatarisana nedambudziko rekuti vana venharaunda yavo vakamiswa mabasa, uye vana vavo havachabhadharirwi mari yechikoro izvo zvopa kuti vazhinji vevana ava vadzingwe muzvikoro.

VaDanmore Mudisi, avo vanogara kwaTonhorai kuChimanimani West, vatiwo zvipfuyo zvavo zviri kufa nekuda kwemvura yakasviba iri kuwanikwa muna Odzi naSave nekuda kwemabasa ekucherwa kwemangoda kwaChiadzwa. Vati vemakambani aya vanofanirwa kuona kuti havasi kuvhiringa mvura dzemunharaunda.

VaMudisi vati zvakare mvura iyi iri kuitisa vagari mapundu mushure mekunge vageza, uye iri kukanganisa mabindu anopa raramo vazhinji. Mambo vekwaMarange, VaGilbert Marange, vati vanoshushikana zvakanyanya nekubudiswa mabasa kuri kuitwa vagari venharaunda yavo mumakambani anochera mangoda.

Mambo Marange vati parizvino mumakambani aya mangosara vamwe vashandi vasiri venharaunda iyi. Vakatizve dzimwe nguva vanombopindwa nemweya wekuda kunoratidzira pamakambani aya nevanhu vavo, asi vanozozvidzora.

Vati makambani aya haasi kuzadzikisa zvaakavimbisa vanhu semuripo, kuvapa mabasa, nemadiridzo nezvimwewo.

Musangano uyu wakapindwa nevanhu vanomirira matunhu eMutoko, Bikita, Chipinge, Marange, avo vanogara munzvimbo dzinowanikwa zvicherwa uye vane hupenyu huri kukanganiswa nemakambani aya.

Gweta rinoshanda neZELA, Muzvare Veronica Zano, vanoti chinangwa chemusangano wavo ndechekuunza kuwirirana pakati pemakambani anochera zviwanikwa pamwe nevanhu vanogara munzvimbo idzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Loirdham Moyo