MDC-Renewal Team Yopatsanuka nePakati

  • Blessing Zulu

mangoma

Vaimbove gurukota rinoona nezvemhando dzemoto muhurumende yemubatanidzwa, VaElton Mangoma neChitatu vakaumba bato idzva rinopikisa rinonzi Renewal Democrats of Zimbabwe kana kuti RDZ.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare, VaMangoma vakazivisa kuti vainge vasarudzwa nekomiti yepamusoro yeNational Council ye MDC Renewal Team kuti vatungamire bato reRDZ.

Vakaenderera mberi vachiti chinangwa chavo ndechekuona kuti munyika mave nehutongi hwejekerere uye kuti vashandawo zvakasimba kubvisa hurumende ye Zanu PF.

Vakaenderera mberi vachiti vaoona zvakakodzera kuti vasiyane naVaTendai Biti nevamwe vavo vachiti vari kutungamidza zvido zvavo chete mberi vasingabvunze ruzhinji uye vanoti VaBiti vava kushanda pamwe chete neZanu PF People First, bato riri kutarisirwa kuumbwa nevakadzingwa muZanu-PF vachitungamirwa nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Joyce Mujuru.

Zvichakadaro, mutauriri we MDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vati VaMangoma munhu anomhanyira kumedza kutsenga kuchada. VaMafume vakati hapana chakaipa pakushanda nePeople First kana zvinangwa zvavo zvakafanana.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVaRugare Gumbo vanove mutauriri we People First kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, VaBlessing Chitaka vati kupatsunurana kuri kuramba kuchiita mapato anopikisa kunopa Zanu PF mukana wakakura kwazvo wekukunda musarudzo dzichazenge dzichiitwa munguva inotevera.

Zvichakadai, VaMangoma vawumba komiti ichange ichifanofambisa basa mubato ravo idzva uye komiti iyi inosanganisinganisira VaFideli Mugari, VaTrust Chikohora, VaPromise Mkwananzi nevamwe vasati vaziviswa mazita avo. VaMangoma vati kongiresi yebato ravo idzva ichaitwa mazuva zana nemakumi mashanu asati adarika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi