Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC VaMorgan Tsvangirai vari kushora zvikuru mashoko egurukota gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo nevakuru nevamwe vakuru muchiuto ekuti vanhu vanotengesa mumigwagwa vanofanira kunge vabva muzvimbo dzavanotengesera zvinhu nemusi weSvondo kana kuti vanozobviswa nechisimba.
VaChombo vakataura mashoko aya kumahofisi avo eMakombe muHarare neMuvhuro. Vachitaurawo pamusangano uyu, Brigadier General Anselem Sanyatwe vakaudza vanotengesa zvinhu mumigwagwa kuti vakasabva mauto anozooona zvekuita navo uye havasi kuzovarega vachiita madiro ajojina.
Asi VaTsvangirai vanoti hurumende ndiyo yakundikana kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi zvopa kuti munhu wose apinde mumugwagwa atange kutengesa zvinhu nekushaya mabasa.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
Zvichakadaro, vanhu vakawanda vanotengesa mumigwagwa pakati peguta reHarare vanoti havasi kutambira danho raVaChombo rekuti vabude mumigwagwa mukati memazuva manomwe.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
Zvichakadaro, mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vanoti vari kutambira danho ratorwa nehurumende kunyangwe vari kuti panoda kutaurirana pamasangano ose kuti pagadziriswe zviri kunetsa.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDenford Mutashu
Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rashorawo zvikuru kupindira kwarinoti kuri kuitwa nemauto munyaya dzekutongwa kwematunhu.
Sangano remagweta rati kuita kwemauto uku kutyora bumbiro remitemo. ZLHR yati zviri pachena kuti bazi rezvemukati menyika riri kuyedza kushandisa mauto kutyora kodzero dzevanhu \vanotengesa mumigwagwa.
Sangano iri rati VaChombo meya weHarare VaBernard Manyenyeni negurukota rinoona nezvedunhu reHarare amai Miriam Chikukwa vanofanira kuona kuti mauto agara kumabaraki. ZLHR yakurudzirawo hurumende kuti itaurirane nevanhu zvakanaka isati yaita zvechisimba.
Rimwe remagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDavid Hofisi vanoti masoja anopinda chete kana mapurisa akundikana kuita basa asi vati ikozvino hazvina kuitika.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDavid Hofisi