Zimbabwe Yowedzera Zvishoma Zvainotengesa kuEU

  • Blessing Zulu

Ukraine Map - EU Logo

Sangano reInternational Trade Centre, ITC, rinoti zvinhu zviri kutengeswa neZimbabwe kuEuropean Union zvawedzera kusvika pamamiriyoni zana nemakumi mashanu nematatu emadhora, kubva pamamiriyoni makumi matatu muna 2013.

ITC inounza pamwe chete World Trade Organization ne United Nations. Kutengeswa kwemangoda kumisika weAntwerp Diamond Centre kuBelgium ndiko kwakaunza mari yakawanda munyika.

Zvimwe zvakatengeswa neZimbabwe zvinhu zvakaita semunyu, matehwe, simendi, nezvimwe zvicherwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanira kukwenenzvera zvinhu zvainotengesa kunze kwete kungotengesa zvicherwa zvisina kucheneswa.

Gore rapera Zimbabwe yakatenga zvinhu zvinopfuura mabhiriyoni mashanu nemazana masere emadhora asi iyo ichitengesa zvinosvika mabhiriyoni maviri nemazana mapfumbamwe emadhora.

Makambani emunyika ari kutatarika kugadzira zvinhu zvichikonzerwa nekushaikwa kwemagetsi, mvura nemari yekunze.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti Zimbabwe inofanira kuvandudza mitemo yayo kuti hupfumi hwayo husumukire.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaProsper Chitambara