ZIMRA Yoomesera Vasiri Kubhadhara Mitero

  • Blessing Zulu

VaPatrick Chinamasa

Chipiri range riri zuva rekupedzisira remakambani emunyika ane zvikwereti zvemutero kuti ange atenderana nebazi reZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, kuti angazvibhadhara sei mari iyi gore rino risati rapera.

Asi vakuru vemabhizimisi vanoti kuda kuvamanikidza kubhadhara mari iri kunzi neZIMRA inopfuura bhiriyoni imwe chete yemadhora zvichapa kuti vavhare mabhizinesi avo, vanhu vorasikirwa nemabasa.

ZIMRA inoti mari iyi ndeyezvikwereti zvekubva muna Kukadzi 2009 kusvika muna Gunyana 2014.

ZIMRA iri kuyambira kuti vanhu vanenge vanyepa pamapepa avo vanobvisirwa kanganwiro kana kuti Amnesty yavanenge vapihwa. ZIMRA iri kuita chipatapata chekutsvaga mari yekupa hurumende kuti ibhadhare vashandi pamwe nekufambisa mabasa ehurumende.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chnamasa, vanoti ZIMRA inofanira kuona kuti mitero yabhadharwa.

Mutungamiri wesangano revemabhizimisi reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukari, vanoti havaone makambani achikwanisa kubhdhara mari iyi sezvo makambani aya ari kuomerwawo.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru anoona nezvehupfumi musangano Resource Exploitation Watch, VaWashington Mehlomakhulu, avo vanoti nguva yekuti vanhu vabhadhare zvikwereti inofanirwa kuwedzerwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWashington Mehlomakulu naVaJohn Mufukari