Bhavhudhe raVaMugabe Roramba Richikonzera Mutauro

VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMugovera vakaita mabiko ebhavhudhe ravo ayo oramba achikonzera mutauro wakanyanya pamusoro pemari yakashandiswa.

VaMugabe, avo vakasvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe ekuberekwa musi wa 21 Kukadzi, vakanyomba vamwe vavaishanda navo vakaita sevaive mutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, nevamwe vakaita sevaive mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, nevaiona nezvekufambiswa kwemabasa, VaDidymus Mutasa.

Vachitaura kumabiko aya, VaMugabe vakati vatatu ava vaida kushandisa huroyi kuti vavaite kafiramberi.

VaMugabe vakatiwo VaMutasa vanogona kusungwa nenyaya yekusafambisa zvakanaka mari yekongiresi yebato yakaitwa muna Zvita.

VaMugabe vakatiwo VaGumbo vane nhoroondo yekuda kuvabvisa pachigaro vakati ikozvino vari kuvasora vachida kuona kuti vari kuita sei.

Asi VaGumbo vaudza Studio 7 kuti ivo ndivo vakatobatsira VaMugabe kuti vatore chigaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRugare Gumbo

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaudzawo Studio 7 kuti VaMugabe vanofanira kuenda pamudyandigere kwete kuramba vari pabasa ivo vava mukweguri.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaMorgan Tsvangirai

Zvichakadaro, vanoona nezvemitemo muZanu-PF Youth League, VaTongai Kasukuwere, vaudzawo Studio7 kuti mabiko avo ekuVictoria Falls akafamba zvakanaka kunyange hazvo paine vamwe vanhu vari kushora kuti mari yakashandiswa pamabiko aya inofungidzirwa kuti inopfuura miriyoni imwe chete ingadai yakabatsira varombo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTongai Kasukuwere