Mafashamu Okanganisa Vakawanda muZimbabwe

  • Blessing Zulu

Mafashamu emvura ari kukonzera matambudziko akawanda muzvimbo dzakasiyana siyana dzenyika zvichitevera kunayisisa kwemvura.

Vanhu vakawanda vanonzi vari kuputsirwa dzimba dzavo nemafashamu aya. KuBikita kuMasvingo kune vanhu vanomwe vakaurayiwa nemheni.

Bazi remamiriro ekunze rinoti mumazuva maviri anotevera mvura iyi ichatanga zvekare kunaya zvakasimba. MuHarare mvura yakanaya zvakasimba kutanga neSvondo zvikuru muHarare West uye pakati peguta.

Vamwe vanhu vanonzi vakatozonunurwa mushure memaawa akawanda mushure mekunge vaedza kutyaira mumigwagwa yakazara mvura. Mapurisa ari kuyambira vanhu kuti vasatyaire munzvimbo dzine mvura yakawandisa.

Munzvimbo dziri mumahombe kombe erwizi Zambezi, vanhu vari kunzi vagare vakagadzirira sezvo kuMozambique kuinewo mafashamu.

Vanhu vanosvika zana nemakumi mashanu nevapfumbamwe vakafa nemafashamu aya munyika iyi.

Mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Jessie Majome, vanoti mhuri dzakawanda muAshdown Park, Westlea, Tynawald neMalbereign dzakatarisana nedambudziko remafashamu aya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Jessie Majome

Mutauriri weRed Cross muZimbabwe, VaTakemore Mazurise, vaudza Studio 7 kuti vari mushishi kutsvaga rubatsiro rwekupa vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTakemore Mazuruse