CZI Yozeya neChina Mamiriro Akaita Hupfumi

  • Blessing Zulu

vaPatrick Chinamasa

Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, iro riri kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumaindasitiri, riri kuita musangano wakakosha svondo rino kuti rione kuti zvinhu zvavandudzwa kuitira kuti makambani atange kushanda zvakanaka.

Musangano uyu uri kuitirwa kuCrown Plaza muHarare neChina.

Vari kutarisirwa kupinda mumusangano uyu vakamirira mapazi ehurumende vanosanganisira gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvemigodhi, VaWalter Chidhakwa, uye gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha.

Mukuru weCZI, VaClifford Siwela, vaudza Studio7 kuti vamwe vari kutarisirwa kuvako vamiriri veInternational Moneteray Fund neWorld Bank vari munyika, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nevamwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda neResources Exploitation, VaWashington Mehlomakulu, vanoti CZI inofanira kubuda nezvisungo zvainozoendesa kuhurumende kwete kumirira hurumende kuti iuye nezvisungo nekuti inenge yawandirwa nezvekuita.

VaMehlomakulu vanoti basa rehurumende ndere kugadzira migwagwa, magetsi nezvimwe kwete kuronga zvemakambani.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWashington Mehlomakulu

Sangano reCZI rinoti makambani emuZimbawe ari kushanda ari pasi pezvikamu zvitatu nezvitanhatu kubva muzana izvo zvopa kuti vanhu vakawanda varasikirwe nemabasa.