Rimwe sangano ravanachipangamazano remuAmerica reFund for Peace iro rinoongorora mamiriro akaita nyika dzisina kugadzikana dzepasi rino rinoti zvinhu muZimbabwe hazvina kunyatsogadzikana zvekuti Zimbabwe yabva yaiswa panyika dzine hondo dzakaita seYemen, Iraq, Afghanistan, Chad nedzimwe.
South Sudan ndiyo nyika inonzi haina kugadzikana zvachose ichibvisa pachinzvimbo chekutanga Somalia iyo yange yave nemakore matanhatu iri pamusoro nekuda kwehondo.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti ongororo dzakadai dzinoongororwa nevaya vanenge vachida kuuchika mari munyika.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reCrisis in zZmbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaJoy Mabenge, vanoti yeFund for Peace inoratidza chokwadi chezviri kuitika munyika idzi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJoy Mabenge
Asi imwe nhengo yePolitburo yeZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti zviri kutaurwa nesangano reFund for Peace hazvina maturo ose nekuti Zimbabwe yakagadzikana.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana
Sangano iri muubuda negwaro iri raitarisa zvinhu zvakawanda zvinotarisa mamiriro ehupfumi, nyaya yekubuda kwevanhu munyika vachienda muhupoteri nezvimwe.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu-PF vanosimboti chinopa kuti munyika muite nhamo inyaya dzezvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekunze nenyaya yekuti vakatorera vachena mapurazi avo vachiapa vanhu vatema.
Asi vekunze vanoti vakatemera vakuru muZimbabwe zvirango zvekufamba chete nenyaya yekutonga nedemo.