Zvikwereti Zvotemesa Hurumende Musoro

  • Blessing Zulu

VaPatrick Chinamasa

Zvinhu zvaramba zvakaita manyama amire nerongo muhurumende yeZimbabwe nenyaya yekutadza kubhadhara zvikwereti zvopa kuti vamwe vatore mari kana midziyo yehurumende vachishandisa matare.

Zimbabwe mumazuva mashoma apfuura yakabatirwa mari inosvika mamiriyoni makumi mana nemashanu emadhora nehurumemende yeBelgium mushure mekuendeswa kumatare nekambani yekuSouth Africa ye Amari Platinum Holdings.

Kambani iyi yakanzi nematare ipihwe mari inosvika mamiririyoni mazana mashanu emadhora mushure mekunge yati hurumende yeZimbabwe yainge yakanzura chibvumirano chayainge yanyorerana neZimbabwe chekuchera platinum munyika.

Hurumende inoti magweta ayo ainge abudirira kumisa kambani yeAmari kutora mari.

Asi vamwe varimi vekuNetherlands vakabva vakwirawo dare vachiti vanoda mari iyi nekuti hurumende iri kutadza kuvabhadharawo mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu nemana emadhora yavakanzi vapihwe nematare mushure mekunge Zimbabwe yatora mapurazi avo kunyange painge paine zvibvumirano pasi peBilateral Investment Promotion and Protection Agreement.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanotiwo Zimbabwe ine chikwereti chinosvika mabhiriyoni masere nemazana masere ezviuru zvemadhora.

Vanoti kutadza kubhadhara chikwereti ichi kwave kukanganisa zvakanyanya hurumemende iyo yaremerwa nezvinhu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti Zimbabwe inofanira kutaurirana nevayakakwereta kwete kuvatiza.