Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti China iri kutsika madziro ichiti Zimbabwe inofanirwa kubhadhara zvikwereti zvayo kana ichida kuchengetedza hukama hwayo nenyika iyi.
Izvi zvinonzi zvapa kuti hurumende ibhadhare zvikwereti zvayo kuChina kunyange isina mari nekutyira kuti pangaitwe cheka ukama.
VaChinamasa vataura mashoko aya neChitatu pamusangano wavaita nevakuru vemabhizimisi muHarare.
Vanoti mumwedzi mitanhatu yegore rino, Zimbabwe yabhadhara mari inosvika zana nemakumi masere emamiriyoni emadhora.
Vanoti havatombokwanise kudzokera kumabhanga eChina vachiti havana mari nekuti vanotyira kukanganisa hukama huripo.
Muzvinabhizimisi uye vari nhengo yeMDC-T, VaEddie Cross, vanoti China iri kutya kudyidzana neZimbabwe zvakasimba nekuti iri kuona kuti zvinhu muZimbabwe hazvina kugadzikana.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vainge vari kuChina mwedzi wapera kunotsvaga mari yekuita zvirongwa zvekugadzira zvivakwa zvenyika nezvimwe. VeZanu-PF vanoti rwendo urwu rwakabudirira.
Asi vakuru vemasangano anopikisa pamwe nemamwe masangano akazvimirira uye dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi vanoti VaMugabe vakadzoka nenhava izere mhepo.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti zviri kuitwa neChina hazvishamise nekuti iri mubhizimisi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaGodfrey Kanyenze