Vanhu vakasungwa ku Chingwizi makumi maviri nevapfumbamwe vamiswa pamberi pedare redzimhosva kuChiredzi vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga.
Magweta ari kumiririra vanhu vakasungwa ava anoti akumbira kuti vanhu ava vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Asi mutongi wedare wekuChiredzi, VaTayengwa Chibanda, vati vachapa mutongo wavo panyaya yekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete neChishanu.
Pavasungwa ava, mumwe wacho, VaPurazeni Kandireni, murume ane makore makumi masere nemana ekuberekwa.
Panonzi panewo mudzimai, Amai Ellen Muteyiwa, avo vane mwana ane mwedzi mishanu vavanaye muhusungwa.
Amai Colleta Mwasiya vanonzi havazivi kuti mwana wavo ari kupi kubva zvavasungwa, uye hapana ari kuziva kune mwana uyu.
Vamwe vanorarama nehutachiona hweHIV/Aids vanonzi vave munjodzi nekuti havasi kuwana mapiritsi kubva zvavasungwa.
Hatina kukwanisa kubata gurukota redunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.
Rimwe remagweta ari kumirira vanhu ava, VaCollin Maboke, vanoti vanotarisira kuti vasungwa vachapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Your browser doesn’t support HTML5