Zimbabwe Inobudirira Kupatsanura Mapatya Akaberekwa Akabatana

  • Blessing Zulu

Kupakwashe Chitiyo

Vamwe vana chiremba navana mukoti vemuZimbabwe vakashura mare mushure mekukwanisa kuvhiya nekupatsanura mapatya maviri akaberekwa akabatana dzimwe nhengo dzemuviri wavo.

Oparesheni yevana ava yakaitwa neChipiri svondo rapfuura kuchipatara cheHarare Central Hospital.

Chipatara ichi chinozivikanwa nevakawanda nerekuti kuGomo.

Vana ava vakaberekwa muna Kubvumbi kwaMurehwa.

Kazhinji paiitika matambudziko akadai vana vanenge vakabatana vange vachitumirwa kunyika dzakaita seCanada.

Asi rwendo rwuno, kanova zvakare kekutanga zvichibuidirira munyika, kupatsanurwa kwemapatya aya, Kupakwashe na Tapiwanashe Chitiyo, avo vakaberekerwa kwaMurehwa, kwasiya vakawanda vasina rekutaura nemufaro

Kuvavhiya kwevana ava kunonzi kwakatora maawa masere.

Chiremba akatungamira basa iri, Dr Bothwell Mbuvayesango, vanoti vakatora mwedzi kugadzirira basa rekuvhiya vana iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Dr David Mbuvayesangano

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr Paul Chimedza, vanoti chiitiko ichi chinoratidza kuti zvinhu zviri mugwara rakanaka munyaya dzezvehutano.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Dr Paul Chimedza

Mashoko aya atsinhirwawo negurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, avo vati vane chido chekuita kuti chipatara cheHarare chive chipatara chinouya vanhu vose vemuAfrica vanenge vachida kurapwa.