WASHINGTON —
Bato reMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, iro rakatarisana nematambudziko ekutizwa nevamawe vakuru vakuru mubato iri vachienda kune chikwata chiri kuzviti MDC Renewal Team, rinoti ratanga hurongwa hwekuyedza kusimbisa bato pasati paitwa kongiresi muna Gumiguru.
Chikwata cheMDC Renewal Team chiri kutungamirwa naVaTendai Biti.
Hurongwa hweMDC-T uhu hunonzi hwakanangana nekuvandudza bumbiro remitemo yebato.
Pane mashoko ekuti masimba emunyori mukuru webato iri akawandisa, nokudaro anofanirwa kudzikiswa, kuitira kuti mutungamiri webato iri, ave nemasimba ekunyatsofambisa zvinhu mubato asingapiringishwe nemunyori mukuru webato.
Mitemo yebato inovandudzwa pakongiresi, iyo inofanirwa kutambira zvinenge zvaitwa.
Izvi zvinogara zvakaitika pose panoitwa kongiresi yebato iri.
Bato iri rinonziwo ratangawo kuzeya nyaya yekuti roramba richipinda musarudzo here kana Zanu-PF ikaramba yakatsika madziro panyaya yekuvandudza mitemo yesarudzo.
Vanoronga misangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vatenda kuti hurongwa hwekugadzirisa bato hwatanga.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaNelson Chamisa