Kuderera Zvakanyanya kweMitengo yeZvinhu Kotemesa Nyika Musoro

  • Blessing Zulu

Simba Makoni

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira hurumende kuti ivandudze mitemo uye kudyidzana kwayo nenyika dzekunze kuitira kuti igadzirise dambudziko redeflation iro rapfunya chisero munyika.

Izvi zviri kupa kuti makambani akawanda avhare uku vanhu vachishaya chouviri.

Zimbabwe yapinda mumwedzi wechina mitengo yezvinhu ichiramba yakaderera asi vanhu vasina mari yekutenga zvinhu zvacho kana kuti deflation iyo inoitika kana mitengo ichiramba iri pasi pe 0%.

Mumashoko aro kuvatori venhau, bazi reZimbabwe National Statistics Agency rinoti muna Chivabvu mitengo yezvinhu yakaramba yakaderera zvakanyanya kunyange hazvo mitengo yezvinhu yakati kwirei zvishoma kusvika pa minus 0 point 19 percent kubva pa minus 0, 26% muna Kubvumbi.

Nyanzvi dzinoti izvi zvinoreva kuti mitengo yezvinhu iri kuderera zvakanyanya asi muzvitoro musina ari kutenga zvinhu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inoshanda yakazvimirira, VaBest Doro, vanoti nyaya yekushaya mari munyika ndiyo iri kupa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo sezvo pasina vekunze vari kuda kuvamba mabhizimisi munyika ukuwo pasina ari kuda kukweretesa nyika mari nekutadza kwayo kubhadhara zvikwereti.

Vaimbova gurukota rezvemari, Doctor Simba Makoni, avo vanotungamira bato reMavambo Kusile Dawn, vanotiwo chiri kupa kuti zvinhu zviende kumawere inyaya yezvematongero enyika.

Va Makoni vanoti vanhu vemuZimbabwe vacharamba vachinonga svosve nemuromo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanotiwo dambudziko iri richatora makore akawanda kuti rigadziriswe.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichishanda nesangano reResource Exploitation Watch, VaWashingto Mehlomakulu, vanoti chimwe chiri kuitika haingangonzi deflation asi kuti mitengo yezvinhu yave kunyatsogadzikana mushure mekunge vanhu vangotanga kuwedzera mitengo zvinopfurikidza mwero.

Asi chii chaizvo chingaitwa kugadzirisa dambudziko iri? VaMakoni vanoti idzi inyaya dzezvematongerwo enyika uye dzikasagadziriswa hapana chinobuda.

VaDoro vanoti hurumende inofanira kuona kuti yatsvaga mari yekugadzirisa zvinhu zviri kunetsa.

Asi Va Kanyenze vanoti zvichanetsa kugadzirisa nekuti nyika haina mari yayo yekuti igadzirise hupfumi zvinoitwa nenyika dzinenge dzasangana nedambudziko redeflation.

Nyaya ye deflation yakambovhiringidza Japan kutanga kumakore ekuma1990.

Nyika iyi yakayedza zvose zvinoda kuitwa kugadzirisa dambudziko iri asi kusvika pari zvino vanhu vemunyika iyi vachiri kunetsekana nenyaya yedeflation.

Nyanzvi dzezvehupfumi muZimbabwe dzinoti hurumende yeZanu-PF inofanira kudzidza kuti dambudziko iri rikayera rakomba rinogona kunetsa kupedza.