WASHINGTON —
Vakuru vakuru vebhanga reEuropean Investment Bank vakapinda munyika neChipiri kuti vazoite hurukuro nevakuru vemaindasitiri paine tarisiro yekupa makambani emuZimbabwe zvikwereti kana panyoreranwa zvibvumirano.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti izvi zvikaitika, zvichapa kuti makambani emuZimbabwe ari kutatarika, amutsiridzwe.
Mumiriri weEuropean muZimbabwe, VaAldo Dell Arricia, vanoti chikwata che Export Import Bank chatanga kuita misangano nevakuru vemakambani emunyika uye vakuru vehurumende.
Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, VaCharles Msipa, vanoti makambani anogadzira zvinhu anoda mari yakawanda, nekudaro kuita misangano nechikwata ichi kuchabatsira nyika zvikuru.
Mashoko ari kubva kuvamwe vakuru veCZI anoratidza kuti hupfumi hwenyika hwatonyanya kuenda kumawere pachitariswa mashandiro ari kuita maindasitiri pari zvino.
Sangano reCZI rinoti gwaro raro remamiririro ezvinhu mumaindasitiri rinogona kuratidza kuti mashandiro emakambani adzikira kubva pazvikamu makumi matatu nezvipfumbamwe kubva muzana gore rapera kusvika pazvikamu makumi matatu kubva muzana.
Vaimbova mutungamiri wesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Marah Hativagone, vanoti nemamiriro akaita zvinhu mumaindasitiri, zvakakosha kuti paitwe misangano nemabhanga ekunze aya.
Asi nyaya iri kutemesawo vakawanda musoro ndeyekuti kunyange hazvo bhanga reEuropean Investment Bank riri kuita hurukuro nevakuru vemakambani emunyika, hapana kuwirirana kuripo nevakuru vehurumende.
VaDell Arricia vanoti misangano iri kuitwa nevakuru vemabhanga ava negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, uye mukuru weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, yakanangana nekuti vaudze vaviri ava kuti hurumemende yeZimbabwe inofanira kudzora chikwereti chemari inosvika mamiriyoni mazana matatu emadhora yayakakwereta kubhanga iri isati yati inoda chimwe chikwereti.
Hatina kukwanisa kubata VaChinamasa naVaMangudya kuti tinzwe pamire hurumende.
Asi mashoko ekuti hukama hwebhanga iri nehurumende hauna kumira zvakanaka anotsinhirwawo naVaMsipa.
Vachitura bhajeti ravo regore rino, VaChinamasa vakati Zimbabwe ine chikwereti chinosvika mabhiriyoni matanhatu emadhora kune vekunze.
Zimbabwe ine chikwereti kuAfrican Development Bank, World Bank, IMF nekune dzimwe nyika nemabhanga ekunze.
Asi hurumende, iyo iri kutotatarika kubhadhara vashandi vayo, iri kukundikana zvachose kubhadhara zvikwereti zvayo.
Izvi ndizvo zvave kupawo kuti paite zinyekenyeke pakati peZimbabwe newainoti sahwira wayo wepedyo, China. VaChinamasa pavakamboenda kunopemha kuChina gore rino vakatenda kuti China yainge ichida kuti Zimbabwe itange yabhadhara mari dzayakakwereta uye ikati hapana humbowo hwakati tsvikiti hwekuti nyika inogona kubhadhara zvikwereti.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichishanda ne Resource Exploitation Watch, VaWashington Mehlomakulu, vanoti nyaya yezvirango inogona kuti kudyidzana kunetse, asi vanoti vane chivimbo chekuti zvichagadziriswa nekufamba kwenguva.
Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika kuri kupa kuti vanhu vakawanda munyika varambe vachirasikirwa nemabasa vakawanda vachinonga svosve nemuromo.
Zanu-PF inoti hurongwa hwayo hwe Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation, Zimasset, hunogona kugadzirisa dambudziko rehupfumi mumakore mashanu anotevera.
Asi vanopikisa hurumende nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vanoti kutaura nezve Zimasset kupedzera hoko padehwe retsindi.

Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Blessing Zulu