WASHINGTON —
Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvagirai vanoti havaone chakaipa kuti hurumende yeZanu-PF idyidzane nesangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reEuropean Union kana kuti EU chero paine kuremekedzwa kwenyaya dzekodzero dzevanhu munyika.
Mashoko aya anotevera mashoko eEU ekuti muna Mbudzi inogona kutanga kupa hurumende yeZimbabwe mari yekuita mabasa ebudiriro. EU inoti izvi zvichaitika chete ndokunge Zimbabwe yavandudzawo zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.
EU yakatemera vakuru veZanu-PF zvirango zvekufamba ichivapomerwa mhosva yekutonga nedemo mushure mesarudzo dzemuna 2002.
Pane mashokowo ekuti dzimwe nyika dzekunze hadzichina chivimbo nehutungamiri hwaVaTsvangirai. Asi VaTsvangirai vanoti chakakosha inyaya yekuti vane rutsigiro rwevana veZimbabwe.
VaTsvangirai vanotiwo vari kushamisika nevanhu vari kuvashora kuti vari kugara mumba yehurumende kuHighlands kunyangwe vakapedza makore matatu vari mutungamiri wehurumende asi vachigara kumba kwavo kuStratahaven. vanotiwo imba iyi vakaitsvaga vega ndokuzopihwa chikweret nehurumende chavakagadzirira kudzosera.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai