Nyanzvi Dzoyambira Hurumende Kuti Ishande neVamwe Zvakanaka

  • Thomas Chiripasi

ZCTU

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, riri kukurudzira hurumende kuti paumbwe mutemo unosungira kuti paitwe nhaurirano pakati pevashandi, vemabhizimusi pamwe nehurumende kuitira kuti zviri kunetsa munyika zvigadziriswe.

Vachitaura pamusangano wemazuva maviri wekuongorora mamiriro akaita zvinhu munyika uyo wakarongwa nesangano re Sapes Trust pamwe nere National Endowment for Democracy uyo wapera neChipiri, mumwe wevatevedzeri vemutungamiri we ZCTU, Va Gift Peter Mutasa, vakurudzira kuti paumbwe mutemo unosungira kuti paitwe nhaurirano pakati pehurumende, vashandi pamwe nevemabhizimusi vachiti izvi zvinoita pave nekunzwisisana mukugadzirisa hupfumi hwenyika.

Mashoko aVa Mutasa aya anotevera kusaitwa kwemusangano wenhaurirano pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende, Tri-partite Negotiating Forum, kubva muna 2010 kubva pakaumbwa National Incomes and Pricing Commission iyo yaitungamirwa naVa Goodwills Masimirembwa.

Zvichakadai, mutevedzeri wegurukota rinowona nezvevashandi, Va Tongai Muzenda, vati hurumende yatova nehurongwa hwekuita zviri kudiwa ne ZCTU izvi.

Va Muzenda vati vari kutarisira kuti mtemo uyu unenge wadzikwa neparamende pakupera kwegore rino.

Asi sachigaro wesangano re Association of SADC Chambers of Commerce and Industry, Va Oswell Binha, vati kuumba mutemo uyu kunopa hurumende mukana wekuva pamusoro pevashandi nevemabhizimusi munhaurirano dzinenge dzichiitwa.

Zvichakadai, mudzidzisi wezvidzidzo zvehupfumi pa University of Zimbabwe, Ashok Chakravarti, vakurudzira hurumende kuti ipe varimi vatsva vechitema magwaro anoratidza kuti ndivo vave varidzi veminda yavakapihwa pasi pechirongwa chekugoverwa kweminda kuvatema kana kuti ma title deeds.

VaChakravarti vati izvi zvinoita kuti varimi vakwanise kuwana kumabhanga pamwe nekuita vashandi muminda vasingatye kuti hurumende inogona kufuma yoita madiro aJojina zvavati zviri kukonzera kuti varimi vazhinji vasashande zvine simba muminda iyi.

Va Chakravarti vakurudzirawo kuti Zimbabwe ishandise mari yeku South Africa vachiti izvi zvine musoro sezvo Zimbabwe ichinyanyotengeserana ne South Africa kudarika dzimwe nyika. Vati kushandisa dhora rekuAmerica kuri kudhurira Zimbabwe sezvo dhora richiramba richiita simba rakakura kudarika mari yeku South Africa.

Asi mutevedzeri wagavhuna webhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe, Va Kupukile Mlambo, vati hurumende icharamba ichishandisa mari yeku America uye vati hurumende haisi kuzodzosa dhora remu Zimbabwe munguva pfupi iri kutevera. Va Mlambo vati hurumende inofanira kutsvaga nzira dzinoita kuti vekunze vasatye kuzosima mari yavo munyika zvinozoita kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Zvichakadai, vaimbova mukuru webhanga re World Bank munyika kana kuti Country Manager, Va Mungai Lenneiye, vaudza musangano uyu kuti Zimbabwe inofanira kugadzirisa hunhu hwayo kuti ikwanise kudyidzana nedzimwe nyika pamwe nemasangano anobatsira nemari kana ichida kuti zvinhu zvinakire veruzhinji munyika.

Vachitaura pamusangano uyu pakuvhurwa kwawo neMuvhuro, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakati hurumende iri pasi pemutungamiri webato ravo, VaRobert Mugabe, haichada zvekunetsana nedzimwe nyika asi kuti yava kutsvaga nzira dzekudyidzana nenyika dzekunze.

Vakatiwo nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango dzinofanirwa kubvisa zvirango izvi kuitira kuti nyika ivandudze hupfumi hwayo zvakanaka.

Musangano wemazuva maviri uyu, uyo wapera neChipiri, wanga uine chinangwa chekutsvaga nzira dzingashandiswa ne Zimbabwe mukusimudzira hupfumi hwenyika pamwe nehutongi hwejekerere. Zvimwe zvezvisungo zvabuda pamusangano uyu zvinosanganisira kusimbaradza nyaya yenhaurirano pakati pehurumende, vashandi nevemabhizimusi, kusimbaradza nyaya yekurwisana nehuori, kuvandudzwa kwehupfumi pamwe nekuti munyika munofanira kuva nehutongi hwejekerere.